Vana vodzivirirwa mhetamakumbo

29 May, 2023 - 09:05 0 Views
Vana vodzivirirwa mhetamakumbo VaIsrael Makwara

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE yatangisa chirongwa chechitatu chekudonhodzera vana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa nhomba dzekudzivirira chirwere chemhetamakumbo (polio) icho chikatanga neChipiri svondo rino uye chichipera musi wa26 Chivabvu.

Danho iri riri kutorwa zvichitevera kunyuka kwechirwere ichi kune dzimwe nyika, kusanganisira dzakapoteredza Zimbabwe.

VaIsrael Makwara, avo vanova Principal Health Promotion Officer kuchikamu chezveutano mukanzuru yeguta reHarare, vanoti chirwere ichi chiri kubata kune dzimwe nyika dzakapoteredza Zimbabwe.

“Kune nyaya pfumbamwe dzechirwere ichi dzakaitika kusvika pari zvino, imwe chete yakaitika kuMalawi nedzimwe sere dzekuMozambique kubvira pakaziviswa nezvechirwere ichi nemusi wa17 Kukadzi 2022 kuMalawi.

“Nyaya yekupedzisira yemhetamakumbo yakaitika mumwedzi waChikunguru 2022 kuMozambique uye chirwere ichi chinonzi chakabva kunyika yePakistan inova imwe yenyika dzakapedzisira kuwanikwa denda iri.

“Pose apa takanga tiri kutoita ongororo maringe nechirwere ichi muHarare tichitarisa zvekare tsvina yesuweji kuti haina here hutachiona hwacho,” vanodaro VaMakwara.

Vanoti, “Veruzhinji vanokurudzirwa kuenda nevana kumakiriniki ari pedyo navo uye vamwe vanamukoti vachapinda mudzimba vachidonhedzera vana vose vakakodzera vanobvira pamwedzi 0-59 yekubarwa.

“Chirwere chemhetamakumbo chinopararira nyore nekudaro kudzivirirwa kwevana uku kuchabatsira mukuchengetedza upenyu.

“Hakusati kwava nemushonga unorapa mhetamakumbo kunze kwedziviriro.”

Mwana achidonhedzerwa nhomba yemhetamakumbo

VaMakwara vanoti munyika dzakadai seMalawi neMozambique, chirwere ichi chakaremadza vana vari pasi pemakore 15 ekuberekwa apo vakasara vakaoma mitezo yemuviri.

“Zvisinei, nekutenderera kuri kuita chirwere chemhetamakumbo tinofara zvikuru nebudiriro iri kuitwa nenyika ino yekudzivirira vana vose.

“Kubvira mugore ra1988 apo pakavambwa chirongwa chikuru chekupedza mhetamakumbo cheGlobal Polio Eradication Initiative, chirwere ichi chakarwiswa nechikamu che99 percent kureva kuti hachisina simba rakanyanya zvichitevera kudzivirirwa kuri kuitwa vana,” vanodaro.

Nemusi wa25 Ndira gore rino, komiti yeWorld Health Organisation Emergency Committee, iyo yakavambwa ichifambirana nemitemo yepasi rose yekurwira nyaya dzeutano (International Health Regulations), yakati dambudziko remhetamakumbo iguru nekudaro rinoda mukomberanwa wenyika dzose kuti rirwiswe chimbi-chimbi (Public Health Emergency).

Vana vanodarika 33 miriyoni vakadonhedzerwa nhomba dzekudzivirira mhetamakumbo munyika dziri muAfrica.

“Chirwere chemhetamakumbo chakaipisisa chinoomesa mitezo zvikuru yemakumbo zvekuti munhu anotadza kufamba zvakanaka zveupenyu hwose sezvo chisingarapike.

“Chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kunzi poliovirus.

“Chinotapuriranwa kubva kumunhu chichienda kune mumwe uye chinogona kukanganisa mabhonzo anoita kuti muviri wemunhu ukwanise kufamba-famba (spinal cord),” inodaro komiti iyi.

Zviratidzo zvemhetamakumbo zvinosanganisira chikosoro chinobata pahuro, kupindwa nechando, kupera simba, kuita dzungu, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nemudumbu uye zvinogona kuitika kwemazuva maviri kana mashanu asi zvichizopera.

Kune chimwe chikamu chishoma chevamwe vanhu vanobatwa nemhetamakumbo, chichizoipisisa nekufamba kwenguva apo chinokanganisa huropi nemutsipa uye kuoma mitezo, vamwe vachitorasikirwa neupenyu.

Chirwere ichi chinopararira nekudya chikafu kana kunwa mvura ine tsvina yevanhu yaunenge wabata mungava muchimbuzi iine hutachiona.

Pwere dzinogona kudya zvidhori kana zvinhu zvavanotambisa zvakasvibiswa netsvina ine hutachiona uhwu votapurirwa.

Share This:

Sponsored Links