Vana vofundiswa nezvemabasa

05 Jul, 2022 - 09:07 0 Views
Vana vofundiswa nezvemabasa Vana vechikoro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANA vezvikoro zviri kuChitungwiza svondo rapera vakawaniswa mukana wekufundiswa pamusoro pemabasa pasi pechirongwa cheCareer Guidance Expo icho chakaitirwa paZengeza 1 High.

Chakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kusimudzirwa Kweupfumi Hwenyika, Ibasa Rako Kusarudza Ramangwana Rakajeka.”

Chirongwa ichi chaitsigirwa nebazi rinoona nezvevechidiki, mitambo netsika.

Vaive muyenzi mukuru ndaVaJorum Mupunza avo vanova Provincial Education Director (PED) weHarare Metropolitan Province uye vanoti chirongwa ichi chakakosha zvikuru sezvo chichivhura pfungwa dzevana vechikoro kuti vasarudze mabasa avanoda kuzoita pavanopedza dzidzo yavo.

“Ndinodaira kuti chirongwa chino chichasandura mafungiro enyu kuti mukwanise kukunda matambudziko ekushaikwa kwemabasa, kusimudzirwa kwenzira dzekufambiswa kwemashoko neruzivo rwechizvinozvino zvinobatsira mukubudirira kweupfumi hwenyika.

Remangwana redu rakabatwa nemi vechidiki nekuti ndimi vatungamiriri vemangwana.

“Saka zvinoda kuti muwane vabatsiri musarudzo yemabasa amunoda kuzoita kuti musazorasike,” vanodaro VaMupunza.

VaJorum Mupunza (pakati)

Vanoti kare, zvirongwa zverudzi urwu zvaisaveko nekudaro vechidiki vaingowira mumabasa chero anenge aripo, izvo zvaizopa matambudziko mukufamba kwenguva.

“Senzira yekusimudzira nyaya dzesarudzo yemabasa mukati mevechidiki, bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari rakaunza chirongwa chitsva cheContinuous Assessment Learning Activity (CALA) nechinangwa chekuvandudza dzidzo inobatsira mukuwanikwa kwemabasa mushure mekuona kuti havasi vose vana vanogona zvidzidzo zvakadai sesainzi, masvomhu nekuva maengineer vanowana mabasa.

Nokudaro panoongororwa zvipo zviri muvana, kungava mumibato yemawoko, zvototanga kuvandudzwa,” vanodaro VaMupunza.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Mai Phephisiwe Muranda, avo vanova gender and advocacy officer kuAdult Rape Clinic kuchipatara cheParirenyatwa Groups of Hospitals, vanoti vari kufundisa vechidiki nevanhu vakuru maringe nekuipa kwechibharo.

“Kune vechidiki vari kubatwa chibharo, zvikuru nevanhu vehukama, asi vasingataure nekuda kwekutyisidzirwa. Tinoti musanyayara nekuti munenge muchitochengetedza musungwa.

“Taurai nyaya dzibude pachena vapari vemhosva vabviswe munharaunda dzenyu vachinogara kumajeri. Mukachengetedza vanokumbunyikidzai vanoramba vachizviita. Mhan’arai nyaya dzechibharo mukati memaawa 72 kuitira kuti mukwanise kurapwa, kudzivirirwa HIV nezvimwe zvirwere zvepabonde uye kubata pamuviri.

“Musabvume kubatwa miviri yenyu nekuti ndipo pamwe panotanga chibharo,” vanodaro Mai Muranda.

Vana vachidzidza paCareer Guidance Expo yaitirwa kuZengeza 1

Vanoti vese vanenge vambunyikidzwa vanokwanisa kutsvaga rubatsiro panhare dzinoti #72 kana dzinoti 077 5672 770.

“Kubatwa chibharo zvinhu zvinoshungurudza saka kana munhu akaenda kuchipatara anorapwa pamwe nekupangwa mazano kuti ave neutano hwakanaka hwepfungwa. Umbowo hunofanira kuchengetedzwa nekudaro munhu abatwa chibharo haafanire kumhanyira kugeza kana kurasa mbatya dzaanga akapfeka panguva yechibharo,” vanodaro.

Vamwe vadzidzi vaive pachiitiko ichi, vanotenda dzidziso yavakawaniswa.

“Ndinofara zvikuru nezvandadzidza pano kuti hatifanire kushungurudzwa nenzira yechibharo uye kukoshesa dzidzo nekuva nesarudzo yakanaka yemabasa atinoda. Tadzidza zvakawanda kubvira kune vangada kupinda mumabasa ezvicherwa, kurima, varapi kana kuvandudza dzidzo.

“Tava kuziva kwekupotera kana tichinge tava kuda rubatsiro urwu,” anodaro Paola Mutize uyo ari kuita Upper 6 paSeke 2 High.

Devine Mupfurutsa wepaZengeza 1 High anoti Zimbabwe inyika ine zvicherwa nenzvimbo dzinoyevedza nekudaro vechidiki vane mukana wekuwana mabasa akawanda kana vachinge vashingirira mudzidzo.

“Chakakosha kuva neruzivo rwebasa raunoda kuti zvinhu zvose zviendeke. Tinofara nechirongwa chinopa vagari vemuno mukana kuti vazviitire mabasa avo emawoko vachiva ivo varidzi vemakambani,” anodaro.

Tinotenda Chishiri wepaZengeza 1 High pekare anoti ava kuziva nezvemakoreji uye mayunivhesiti anodzidzisa mabasa akasiyana nekudaro zvava nyore kwaari kuti ave nesarudzo yekwaachaenda paanopedza dzidzo yeA-Level.

Muimbi ane mukurumbira mumusambo weUrban Grooves, Rockford “Roki” Josphat Mutenha, ndiye akatandadza veruzhinji pachiitiko ichi.

Share This:

Sponsored Links