Vana vomitiswa

29 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Vana vomitiswa Diana Mailosi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MASANGANO anomirira vechidiki anoti ari kushushikana nekuwanda kwevana vari kuita pamuviri pasina kurongeka panguva ino apo zvikoro zvakavharwa uye veruzhinji vari kugara kudzimba nyika ichimborwisa chirwere cheCovid-19.

Achitaura kuvatori venhau muHarare, Diana Mailosi – uyo anova murongi kusangano reCOMPASS-ACT – anoti munguva ino ye“lockdown” apo nyika dziri kuedza kurwisa chirwere cheCovid-19, vechidiki vari kupedza nguva zhinji vasina zvekuita sezvo vasiri kuenda kuchikoro zvichizoita kuti vamwe vagumisire vave kuita nyaya dzevanhu vakuru, kunyanya risina dziviriro.

“Zvichitevera kutekeshera kweruzivo rwepadandemutande reInternet, kushandiswa kwenhare uye materevhizheni, vana vari kuswera vari voga kumba vabereki vari kumabasa apo vanoona zvinhu zvakaita sema’Vuzu party’. Izvi zvinoita kuti vana vapedzisire votevedzera zvavanenge vachiona.

“Vamwe vari kugumisira vaita pamuviri, kana kutapurirwa hutachiona hweHIV pakati pezvimwe. Vamwe vana vari kupedzisira vave kubvisa pamuviri nerweseri zvichiita kuti vamwe varasikirwa neupenyu kana kukuvara zvibereko izvo zvinozodhurira Hurumende yave kuvarapisa,” anodaro.

Anoti vechidiki vari kukundikana kuwana zvinovabatsira kuutano hwekuyaruka nekuda kwetsika dzinoita kuti vasawane rubatsiro urwu vakazvimiririra nekuda kwekuti havasati vabva zera.

“Zvinorema zvikuru kuti mwana audze mubereki kuti abatwa nehutachiona hweHIV, njovhera, kuita pamuviri kana kukumbira mari yekutenga mapiritsi ekurera mhuri nekuti vabereki vazhinji havazvitambire zvachose nekuti vanoda kuti vana vavo vasaite zvinoitwa nevakuru sezvinodiwa netsika nemagariro.

“Asi chokwadi chiripo ndechekuti vana vari kuita zvinoitwa nevanhu vakuru uye vamwe vavo vatori pamberi kudarika vabereki zvisinei nekuti vabereki vachine pfungwa yekuti vana hapana zvavanoita. Dambudziko rinozouya vana ivava vaitiswa pamuviri kana kuti vava kurwara nezvirwere. Apa ndipo panozobengenuka vabereki vomhanya navo kuzvipatara zvisinei nekuti matambudziko aya anogona kudziviriwa kana vabereki vakakwanisa kuita nhaurwa nevana kuti vave neruzivo uye dziviriro,” anodaro.

Munyaradzi Chimwara, uyo anova team leader kusangano reCOMPASS-ACT iro rinotsigirwa nePEPFAR, anotiwo panofanirwa kusandurwa mitemo kuitira kuti vechidiki vabatsirikane munyaya dzerudzi urwu vakazvimiririra nechinangwa chekuderedza matambudziko aya.

“Sangano reUNICEF rinoti mimba dzinodarika 70 000 dzinobviswa muchivande gore negore muZimbabwe uye madzimai nevanasikana vaine mikana yakapetwa mazana maviri yekurasikirwa neupenyu mushure mekusangana nezvimhingamipinyi. Zvakaonekwawo kuti pakati pevanasikana vatanhatu vari pakati pemakore 15-24 ekuberekwa, mumwe chete wavo akatozvara mwana.

“Nokudaro zvakakosha kuti muzvipatara muve nemipanda yakamirira bedzi kutarisa utano hwekuyaruka kwevechidiki. Vechidiki vanonyaya kurapwa pamwe chete nevanhu vakuru uye varapi vanofanira kusandurawo hunhu hwavo kuti vana vafarire kuenda kuzvipatara,” anodaro.

Chikamu chebumbiro remutemo reZimbabwe Section 76 ne81 (f) chinotaura nenyaya dzekuwaniswa kweutano hwekuyaruka kumunhu wose pasina rusarura uye kurapwa uku kunofanira kunge kuchiitwa pachena kana kuti nemari yakaderera asi kuri kwemhando yepamusoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey