Vana vondisvipira mate: Baba

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
Vana vondisvipira mate: Baba

Kwayedza

Tatenda Shuro
MURUME wekuDomboshava anoti vanasikana vake vaviri vari kumushungurudza vachimusvipira kumeso vachiti vanoda kumuuraya uye kutengesa minda yake vachibatsirana nemuzukuru wake. Douglas Zvomuya akamhan’arira Mercy Zvomuya, Gloria Zvomuya naPrince Zvomuya kuHarare Civil Court achiti vari kumuonesa ndondo.

“Mambo wangu, ini ndinogara kwaNdoro Village kuDomboshava. Zvino vanasikana vangu vaviri vandishungurudza chaizvo zvose nemuzukuru wangu.

“Mercy ari kuuya nevanhu achitengesa nzvimbo pamusha pangu uye akati anoda kundiuraya ozosara achigara pamusha pandigare nemudzimai wangu wechipiri sezvo amai vake ndakasiyana navo.
“Mwana uyu anouya achisvikotemha nokutora michero yangu zvatinenge tisina kutenderana,” anodaro.
Anoti Gloria naPrince vari kubatsirana naMercy kumushaisa rugare.

“Uyu Gloria akandizunza-zunza akandisvipira mate kumeso kwangu uye ari kutengesa nzvimbo yangu. Prince ari kuuyawo nevasikana ava vachitengesa nzvimbo yangu. Ndakatomboenda kwaishe wedu akati vasatengese nzvimbo iyi asi havazi kurega,” anodaro.

Mercy anopokana nechikumbiro chababa vavo.
“Baba ndivo vanototaura mashoko ekuti vanoda kundiuraya uye zvekuvatuka izvi handisati. Baba vakaroora mumwe mudzimai zvekutoti kumba kwavo ini handitotsike, ndinongogumira kwaigara amai sezvo vaive vavakidzani uye takatomboendesa nyaya iyoyi kudare rekumusha kuDomboshava nekuRotten Row Court nenyaya yemba,” anodaro.

Gloria anotiwo ane dambudziko nechikumbiro chababa vavo.
“Ndinopokana nechikumbiro chababa nokuti ukavamhoresa havadaire. Ndakatopedzesera kuenda kumba kwavo 2016 mushure mekunge mwana wangu asangana nenjodzi. Ndakatozoenda kunomhan’ara kumapurisa kuti baba vangu ukataura dambudziko havaite chinhu uye havataure nesu tikagadziriswawo,” anodaro.

Anoti haana kumbobvira ataurira baba vake mashoko ekuti anoda kuvauraya.
“Ndatoshamiswawo nepavakanyora pamagwaro ekuno kudare vachiti toda kuvauraya, asi ivo baba ndivo vakatoti muchafa semapete ndichatofara ndabata ropa,” anodaro.

Prince anoti haapokane nechikumbiro chasekuru vake.
“Handipokane nechikumbiro chavo uye hapana chandinoda kumba kwavo,” anodaro.
Mutongi Noah Gwatidzo akapa Douglas gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links