Vana zvidhakwa vanorova amai

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
IMWE shirikadzi yakachema-chema mudare ichiti iri kuoneswa nhamo nekurohwa nekutukwa zvinyandzi nevana vayo avo vane marambadoro.

Tamari Madhawini akamhan’arira vanakomana vake vanoti Joseph, Kumbirai, Kundai naNevermind Madhawini kuHarare Civil Court achiti vari kumushaisa rugare pamba pake.

“Changamire, vana ava ndevangu chaivo vakandazvara. Asi vandishungurudza ishe wangu. Vese vakadai zvidhakwa chaizvo uye vanotora zvinodhaka zvekuti pamba panogara paine bongozozo.

“Vanorovana kana vadhakwa kudaro, pandinopindira ndotonzi neni kutukwa zvinyadzi uye dzimwe nguva kurohwa chaiko. Handisisna mufaro pamba pangu ini nevanhu ava,” anodaro.  Anoenderera mberi achiti: “Ini ndine chirwere chechipfuva apa vanoputira fodya dzavo mumba ndovaudza kuti muri kundikanganisa asi hazvina anoterera. Saka ndinoda kuti vamiswe hunhu uhwu kana kubva zvavo pamba pangu.”

Joseph anoti haapikisane nechikumbiro chaamai vake.

“Ini handirambe zvataurwa namhamha, dai dare ratidzinga zvaro pamba apa nekuti tava vanhu vakuru. Tinokwanisa kuzvichengeta amai vasara havo vega naKundai uyo anova murwere wepfungwa nekuti haakwanise kuzvichengeta uye ndiye honzeri yedambudziko rese iri. Ini ndakambobva asi mamiriro akaita nyika ndiwo akandidzosa kumba,” anodaro.

Nevermind anoti haashungurudze amai vake asi kuti anenge achiedza kuraira vanin’ina vake.

“Ini handingati ndinoshungurudza mhamha, asi kuti ndinenge ndichiedza kuonesa vapfanha vangu. Zvechokwadi pari zvino pamba pane manyama amire nerongo nekuda kwehunhu huri kuitwa uhu, pava kuita kunge pabhawa,” anodaro. Tamari anotsinhirawo kuti Kundai murwere wepfungwa uye anogara achiita mhirizhonga.

“Hongu, anorwara uye haafanire kumira pamberi pedare asi ndodii nekuti mapiritsi acho ukamupa anonwa emwedzi wese pazuva rimwe uye anobata zvombo. Ndava kutotyira kufa changamire,” anodaro

Mutongi Larzin Ncube akapa Tamari gwaro redzviriro.

Share This:

Sponsored Links