Vanamukoti 13 vakasungwa

10 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Vanamukoti 13  vakasungwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VANAMUKOTI 13 vanoshandira pachipatara chikuru cheSally Mugabe Central Hospital — icho chaimbonzi Harare Central Hospital — vakasungwa nemapurisa nemusi weMuvhuro vachipomerwa kutyora mitemo ine chekuita nekuti vanhu vasaungane uye kuti vagare vakapfeka mamasiki.

Vakawanda vavo vakabvisiswa mari dzemafaindi dziri pakati pe$200 ne$500 pamunhu.

Mapurisa anoti vanamukoti ava vakasungirwa kuita chitsokotsoko uye kusapfeka mamasiki sezvinodiwa nemutemo.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanotsinhira nezvekusungwa kwevashandi vezveutano ava vachiti: “Tasunga manesi 13 pachipatara cheSally Mugabe Central Hospital mushure mekunge vatyora mirawo ine chekuita neCovid-19 iyo inorambidza vanhu kuita chitsokotsoko.

“Varipiswa mafaindi ari pakati pe$200 ne$500.”

Hurumende yakambomisa mhando dzose dzekuungana kusanganisira kwezvematongerwo enyika kana kuratidzira, pakati pezvimwe, nechinangwa chekuedza kumisa kupararira kweCovid-19.

Vanamukoti, kunyanya vemuzvipatara zvikuru, vakaramwa mabasa musi wa18 Chikumi vachiti vaomerwa zvekusakwanisa kushanda. Zvisinei, vanamukoti vekuzvipatara zvekumatunhu vari kuenda kubasa.

Hurumende ichangobva kuwedzera mari dzinotambirwa nevashandi vayo vose nechikamu che50 percent uye neUS$75 pamusoro semari yekufanovabatsira apo hurukuro dzemari dzavo dzavanohora dziri kufambira mberi.

Vashandi vezveutano vanogashira mari yavakapihwa iyi asi vanoti vanoda kubatwa zvakasiyana nevamwe vasevenzi veHurumende nechikonzero chekuti ivo vagara vachienda kumabasa apo vakawanda vange vagere kudzimba nekuda kweCovid-19 lockdown.

Share This:

Sponsored Links