Vanasikana 1 000 vamitiswa

07 Jun, 2022 - 15:06 0 Views
Vanasikana 1 000 vamitiswa Mai Priscilla MacIsaac

Kwayedza

Abel Ndooka

VANASIKANA vanodarika 1 000 vane makore ari pasi pe18 okuberekwa vekuChimanimani vanonzi vakapihwa pamuviri izvo zvakaona vachisiira chikoro panzira kubva muna2019 kusvika gore rino.

Pavana 1 000 ava, mutsvakurudzo yakaitwa mugore ra2019, zvakaonekwa kuti paive nevasere vaive nemakore ari pasi pe14 okuberekwa avo vakanonyoresa pamuviri kumakiriniki ari muChimanimani, kuchiti muna2020 vamwe 13 vaive nemakore mamwe chetewo vakanonyoresawo pamuviri pavo zvakare.

Mai Priscilla MacIsaac, avo vanove District AIDS Coordinator (DAC) weNational AIDS Council kuChimanimani, vanoti nyaya dzekupihwa pamuviri kwevana vasati vabva zera kudunhu iri dziri kuwanda.

Vanoti mumakore a2019 kusvika 2022 vaona vanasikana vanodarika 1 000 vane makore ari pasi pe18 okuberekwa vachinonyoresa pamuviri kuzvipatara nemakirinki eko.

Vamwe vevarume vari kupa vanasikana ava pamuviri vari kutiza vachienda kunyika dzakaita seSouth Africa nekuMozambique kunzvimbo yanetsa zvikuru inonzi “Usanditeera”.

“Nyaya yekupihwa pamuviri kwevanasikana vari pasi pemakore 18 yanetsa zvikuru muno muChimanimani. Ritori dambudziko guru ratakatarisana naro iro tiri kurwisa chaizvo kuti tiripedze.

“Vanasikana vanodarika 1 000 avo vasati vasvika makore 18 vakapihwa pamuviri makore adarika kuchiti vasere vari pasi pemakore 14 vakanyoresa kumakiriniki akasiyana mugore ra2019 apo vamwe 13 vane makore mamwe chete aya vakanonyoresa mugore ra2020.

“Izvi zvinotoratidza zvega kuti hazvina kumira zvakanaka. Vana vane makore 18 ava vanofanirwa kunge vari kuchikoro vachiita zvidzidzo zvavo zveA-Level,” vanodaro.

Mai MacIsaac vanoti seNAC, vane hurongwa hwekushanda pamwe chete nemadzishe ekuChimanimani nechinangwa chekuderedza dambudziko rekupihwa pamuviri kwevanasikana vasati vabva zera.

“Taona dambudziko ratakatarisana naro iri, isu seNAC hurongwa hwedu hwa2022 ndehwekuenda kumadzishe totsvaga nzira dzekubatsirana kuti ripere.

“Varume vari kuzvikonzera izvi vazhinji vacho vanenge vabva kunyika dzakaita seSouth Africa neMozambique. Vanouya vosvikoshungurudza vana, vobva vatiza zvekuti hatikwanise kuvatevera.

“Saka tinoda kupira kumadzishe edu dambudziko iri toona kuti tobatsirika sei kuti ripere,” vanodaro.

Zvichakadaro, kuChimanimani NAC yakabatana nemasangano akasiyana mukuvamba muzinda weYouth Centre uyo vechidiki vanozvivaraidza vachitamba mitambo yakasiyana pamwe nekupihwa ruzivo maringe nechirwere cheHIV neAIDS.

Mai MaIsaac vanoti muzinda uyu wakavambwa mushure mekunge vechidiki vaparadzirwa nzvimbo dzavo zhinji dzekutandarira nemvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai makore adarika.

“Takavhurira vechidiki vedu muno muChimanimani youth centre iyo vanouya vachitamba mitambo yakasiyana. Vechidiki vakashaya zvekuita kazhinji vamwe vanotanga kufunga zvebonde. Saka takatambira chikumbiro chavo ndokuvagadzirira youth centre iyo vanouya kuzoswera vachitamba mitambo.

“Pavanouya, tinobva tatora mukana wekuvadzidzisa nezveHIV neAIDS pamwe chete nezvimwe zvakaita seCovid-19,” vanodaro Mai MaIsaac.

Share This:

Sponsored Links