Remember Deketeke
VANASIKANA gumi nevatanhatu vepachikoro cheMonozi Primary School kuMbire, kudunhu reMashonaland Central svondo radarika vanonzi vakatadza kunyora bvunzo dzeGrade Seven dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) mushure mekuita pamuviri nekuda kwekuroodzwa vasati vabva zera.
Izvi zvakaburitswa nemumwe mudzidzisi wepachikoro ichi pachirongwa chekutanga chekubatsira vadzidzi mune zvakasiyana-siyana, kusanganisira kuziva kodzero dzavo, (mobile one-stop centres) chakaitwa nemasangano akazvimirira paMonozi Primary School.
Mudzidzisi uyu, uyo asina kuda kudomwa nezita, anoti nyaya dzerudzi urwu dziri kuramba dzichiwanda munzvimbo mavo.
“Tinoendesa magwaro emwedzi nemwedzi pamusoro pevana vanosiira chikoro panzira kudistrict. Tine vasikana 16 veGrade Seven avo vatadza kunyora bvunzo dzeZimsec uye takadzidza kuti vabereki vavo havana hany’a nedzidzo yavo,” anodaro mudzidzisi uyu.
Sabhuku wemubhuku raChipita, Muzvare Rudo Chidembo, vanoti zviitiko zvakadai zvatekeshera munharaunda yavo uye zvirongwa zvekudzidzisa vana vechikoro nezvekodzero dzavo zvinotarisirwa kubatsira zvakanyanya mukupedza nyaya dzekupiwa pamuviri kwevanasikana vachiri ndumurwa, kuroodzwa kwavo nekushungurudzwa pabonde.
“Vana vari kuramba vachishungurudzwa nenzira dzakadai uye zvinondirwadza kuti tine vanasikana vakatadza kunyora bvunzo dzekupedzisira nekuti vakaita pamuviri,” vanodaro.
Zvakadai, Hurumende yakadzika mutemo weEducation Amendment Act, uyo unorambidza kudzingwa chikoro kwevanasikana vanenge vamitiswa vachiri kudzidza zvichireva kuti vane kodzero yekuramba vachienda kuchikoro kunyangwe vabara vana.