Vanasikana 877 vasiira chikoro panzira vamitiswa

29 Nov, 2024 - 19:11 0 Views
Vanasikana 877 vasiira chikoro panzira vamitiswa VaLawrence Munyama

Abel Ndooka

VANASIKANA vanodarika 877 vanobva munzvimbo yeNyanga, avo vane makore ari pasi pe19 okuberekwa, vakapihwa pamuviri izvo zvakaona vachisiira chikoro panzira gore rino.

Pavana 877, zvakaonekwa kuti 41 vavo vaive vane makore ari pasi pe15 okuberekwa.

Pasi pemutemo, imhosva kupinda murudo kana kuroorana nemunhu ane makore ari pasi pe18 okuberekwa.

Pamusoro pezvo, mutemo unotendera vanasikana vanenge vapihwa pamuviri vachiri pachikoro kuti vaenderera mberi nedzidzo yavo.

VaLawrence Munyama, avo vanove District AIDS Coordinator weNational AIDS Council kuNyanga, vanoti nyaya dzevanasikana vari kupihwa pamuviri vasati vabva zera dziri kuwanda munzvimbo mavo.

Vanoti senzira yekurwisa dambudziko iri, NAC iri kushanda nemasangano akasiyana mukuona kuti vanasikana ava vapihwa chenjedzo yekuti vazvichengetedze uye vasamhanyire kuenda pabonde nguva yavo isati yakwana.

“Nyaya dzevanasikana vari kupihwa pamuviri vachiri vadiki dziri kuwanda muNyanga izvo zvaona 877 vavo vachimitiswa gore rino ndokusiiswa chikoro panzira.

“Izvi zvinosuwisa zvikuru nekuti remangwana revana ava rinenge rakanganiswa zvakanyanya. Mutsvakurudzo yatakaita, zvakaonekwa kuti dzimwe nguva wanano dzevanasikana ava hadzisi kuzogara nekuti vamwe vanozopedzisira vave kushungurudzwa nenzira dzakasiyana.

“Naizvozvo tiri kushanda zvakasimba nemasangano akasiyana kuona kuti vanasikana ava hupenyu hwavo hwadzoreredzwa uye zvisarambe zvichienderera kuti vanopihwa pamuviri vasati vayaruka,” vanodaro.

VaMunyama vanoti zvimwe zvezvikonzero zviri kuita kuti vanasikana ava vapihwe pamuviri zvinosanganisira nyaya yehurombo mumhuri, zvitendero uye nemakorokoza ayo anovavhevhetedza nemari kuti vapinde navo murudo.

Vanoti chirongwa chavo cheSista to Sista chiri kubatsira zvakanyanya kudzoreredza vanasikana sezvo vanodzidziswa kuzvishandira nemaoko uye nekupihwa chenjedzo yekuti vasamhanyire kupinda munyaya dzepabonde.

“Makorokoza ari kukonzeresa nekuti paanobata mari anouya onyengera vana saka dzimwe nguva vabereki vacho nekuda kwenhamo vakaona mari vanopedzisira vatambira mari iya. Asi isu tiri kuti uyu achiri mwana nguva yake haisati yakwana, ngaamboenda kuchikoro adzidze.

“Saka tine chirongwa cheSista to Sista chatiri kuita muno uye nekunzvimbo dzakasiyana icho chiri kubatsira zvikuru kudzidzisa vanasikana ava kudzoreredza hupenyu hwavo.

“Chirongwa ichi chiri kubatsira vanasikana vakasiira

chikoro panzira nevamwe vasati vapihwa pamuviri avo tiri kupa chenjedzo yekuti vasazobvuma kufuririka nezvinhu zvisina basa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links