Vanasikana vosimudzirwa

14 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Vanasikana vosimudzirwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO rinomiririra kodzero dzevasikana reShamwari Yemwanasikana rakaparura chirongwa chinodaidzwa kuti “Girls Rights Movement” icho chine chinangwa chekuvasimudzira munyaya dzebudiriro panguva ino nyika yakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19.

Chirongwa ichi chine donzvo rekuona kuti izwi revanasikana ranzwikwa, zvikuru apo vanenge vachida kupinzwa muzvirongwa zvine chekuita nebudiriro yavo.

Izvi zvinosanganisira kutora zvigaro zvepamusoro mumabasa, kupindawo mune zvematongerwo enyika, kuwaniswa dzidzo yepamusoro nemabasa ayo anosinzi ndeevanhurume, kurwisa mhirizhonga kuvanasikana sekuroodzwa, kubatwa chibharo nekusiiswa chikoro panzira, pakati pezvimwe.

Mamwe emaitiro aya anokonzera kuti vanasikana vashaiswe mikana yakaenzana nevanakomana.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi, mumiririri weUnited Nations Women muno, Mai Delphine Serumaga vanoti vanofara nekupinzwa kuri kuitwa vanasikana muchirongwa ichi.

“Kuparurwa kwechirongwa che’Girls Rights Movement’ kwakakosha nekuti kunoita kuti kodzero dzevanasikana dzicherechedzwe uye zvinovapa mikana yekukurukura nhunha dzavo dzichizokwidzwa kumusoro kuti patorwe matanho.

“Ndinofara kuti vanasikana vazhinji vave kuziva nezvekodzero dzavo izvo zvinoita kuti mikana yekumbunyikidzwa iderere. Dzidziso iyi ikaramba ichikushwa kune zvimwe zvizvarwa zvinotevera tinoona budiriro neshanduko huru kuvanasikana vedu uye zvinobatsira kuti nyika isimukire muzvinangwa zvemaSustainable Development Goal Number 5 iri pamusoro pekuenzaniswa kwemikana uye kupedza mhirizhonga,” vanodaro.

Vanotizve vanofara kuona vechidiki vari muchirongwa ichi avo vane mabasa epamusoro sekuva makanzura, mainjiniya, vagadziri vezvinhu zvemagetsi nanamakanika pakati pezvimwe anova mabasa aiwanza kutarisirwa kuti anoitwa nevanhurume bedzi.

Ekenia Chifamba, uyo anova director weShamwari Yemwanasikana, anoti vanasikana vakakosha nekuti ndivo vachazova vabereki vezvizvarwa zvinotevera.

“Muchirongwa chino, tinofundisa vanasikana kuti vasatye kutora zvigaro zvepamusoro. Tinoshanda nevana vari muzvikoro zvekumaruwa zvose nemumaguta. Donzvo redu nderekuona kuti zvipo zvavo zvasimudzirwa.

“Tine vana vanobva kumhuri dzinotambura avo vaipinda zvikoro zviri kure vachifamba nzendo refu isu tikavatsigira, nhasi vava zvidadiso.

“Ukadzidzisa mwanasikana wadzidzisa nyika,” anodaro.

Anoti mazwi evanasikana anofanira kunzwikwa kuitira kuti vabati vemitemo vange vachivabatsira mushure mekunzwa nhunha dzavo.

Share This:

Sponsored Links