Vandudzai zvamunogadzira: Nzenza

09 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
Vandudzai zvamunogadzira: Nzenza Dr Sekai Nzenza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezvemaindasitiri nenyaya dzekutengeserana, Dr Sekai Nzenza, vanokurudzira vemakambani vemuno kuti vagadzire midziyo yemhando yepamusoro-soro kuitira kuti ikwanse kukwikwidza pamisika yemuno neyekunze.

Vakataura mashoko aya vachiparura chirongwa chenhengo dzeboka reBuy Zimbabwe apo dzaisainirana chibvumirano chekunzwisisana munyaya dzemabhizimusi neveBusiness Standards Systems Certification (BSSC) kuitira kuti vazokwanisa kuita zvirongwa zvakadai sekudzidzisa, kuongorora kufambiswa kwemabhizimusi pamwe nekupa magwaro kunhengo dzavo senzira yekusimudzira mabhizimusi emuno.

Chirongwa chekuwaniswa magwaro kumakambani aya chichaitwa mukati memazuva 100 uye chichabatsira munyaya dzekutengeserana pakati penyika dziri muAfrica (African Continental Free Trade Area).
Dr Nzenza vanoti zvakakosha kuti vemaindasitiri vemuno vagadzire midziyo yemhando yepamusoro kuitira kuti ikwanse kukwikwidza pamisika yemuno neyekunze.

“Tinoda kuti mugadzire midziyo yemhando yepamusoro uye mabasa amunoita ange akanaka kuitira kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zveVision 2030. Tinofanira kugadzira midziyo yedu nenzira yekuivandudza hukoshi hwayo.

“Tichange tichishanda nebazi rezveminda, mvura, kurima, hove nekugariswa kwevanhu kumaruwa nevamwe nemabhizimusi madiki nekuti ndivo vanotitsigira mubasa redu. Chese chatinorima chinofanira kuvandudzwa kugadzira zvimwe zvinhu zvinounza mari zhinji patinozotengesa kune dzimwe nyika,” vanodaro Dr Nzenza.

Vanoti kugadzirwa kwemidziyo yakanaka yemuno kunoita kuti nyika ikwanise kuchengetedza mari yekunze nekuti inenge isisatengi zvigadzirwa zvekune dzimwe nyika, zvichibatsira zvekare mukuchengetedza mafuta ezvifambiso nekumwe kudhurirwa kusina tsarukano.

“Maindasitiri edu anofanira kusandura raramo yevanhu, tinofanira kutsvaga nzira dzekucherechedza mashandiro atinoita. Kana zvinhu zvikagadzirwa muno, zvinoita zvekare kuti mitengo yazvo ive yakaderera zvinova zvinoratidza kuti Buy Zimbabwe iri kusandura zvinhu muno ichipa magwaro kune vari kuita mabasa nemazvo,” vanodaro.

Mukuru weBuy Zimbabwe, VaMunyaradzi Hwengwere, vanoti vemabhizimisi vanogadzira midziyo yavo muno ndivo vari kutononoka zvichitevera kuuya kwedanho rekuti vange vachicherechedzwa mashandiro avo.

“Tinoda makwikwi muzvigadzirwa zvemuno kubvira pamidziyo yacho nekugadzira midziyo yekuzviputira yakanyorwa zvine hunyanzvi kuti ikwezve vatengi. Midziyo iyoyo inofanira kunge iine zvipimo zvechokwadi.

“Tinoda kuti tive nechikamu che50 percent chemidziyo inogadzirwa muno uye vachiratidza hunyanzvi hwavo hwekuzadzikisa zvinodiwa vachipihwa mibairo,” vanodaro VaHwengwere.

Vanoti danho iri reACFTA richibatsira zvakanyanya zvizvarwa zvemuAfrca.

“Patinotarisa zvigadzirwa zvedu, tinenge tichida kuona kuti zvechokwadi ndezvemuno here uye zviri kubatsira zvakadii vagari vemuZimbabwe munyaya dzekuwana mabasa uye kutengeserana nedzimwe nyika. Vari mumabhizimusi madiki neari pakati nepakati, vanoda kudzidziswa zvakasimba kuti vabudirire mubasa ravo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links