Uncategorized

Vane Covid-19 vadarika 2 100

25 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Vane Covid-19  vadarika 2 100

Kwayedza

Tandayi Motsi
HUWANDU hwevanhu vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe mushure mekuvhenekwa hwasvika 2 124 – vakawanda vacho vari vemuHarare ichiteverwa neBulawayo.

Pavarwere ivava, 510 vavo vakatonaya asi vamwe 28 vakafa.

Gwaro rebazi rezveutano nekurerwa kwevana remusi weChina rinoratidza kuti dunhu reHarare ndiro rava nevanhu vakawanda vawanikwa vaine Covid-19 munyika yose.

Harare yava nevanhu 640 vavhenekwa vakawanikwa vaine chirwere chisati chawanirwa mushonga wekuchirapa pasi rose ichi.

Kunobva kwatevera dunhu reBulawayo, uko kune vanhu 600 vane Covid-19, kwozouya Matabeleland South ine 341.

Bulawayo ndiyo yange yambogara iri pamusoro kubva svondo richitanga sezvo kuri iko kwange kuchimbowanikwa vanhu vakawandisa vane denda iri.

Mashonaland Central ndiyo ine vanhu vashoma vabatwa vaine Covid-19 vanove 26.

Vanhu 90 vakawanikwa vaine Covid-19 nemusi weChina munyika yose.

Vanosanganisira vanomwe vaive vabva kuSouth Africa ne83 vagara vari munyika muno.

Kusvika musi uyu, vanhu 110 560 vainge vavhenekwa Covid-19 muZimbabwe.

“Kubvira pakatanga Covid-19 musi wa20 Kurume 2020, vanhu 2 124 vawanikwa vaine chirwere ichi, 510 vavo vanaya asi 28 vakafa,” rinodaro bazi rezveutano.

Huwandu hwevanhu vafa hwakakwira zvichitevera kufa kwevamwe vaviri muHarare nekuBulawayo.

Hurumende iri kutora matanho akasimba ekurwisa kupararira kwechirwere ichi anosanganisira kuti vanhu vanoshanda mabasa akakosha chete ndivo vari kutenderwa kuenda kumabasa apo veruzhinji vagere kudzimba.

Veruzhinji havasi kutenderwa zvakare kufamba kubva nenguva dza6 dzemanheru kusvika na6 dzemangwanani uye kuonekwa munhu asina kupfeka masiki ari panzvimbo ine veruzhinji imhosva huru.

South Africa ndiyo mwongo weCovid-19 muAfrica iyo ine vanhu 5 940 vafa ne394 948 vawanikwa vaine denda iri.

Covid-19 chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey