Vane Covid-19 voita vashoma

09 Apr, 2021 - 15:04 0 Views
Vane Covid-19  voita vashoma Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchidzikira zvichitevera matanho akasimba ari kutorwa ekumisa kupararira kwedenda iri.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChitatu mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa Covid-19.

“Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kuramba huchiderera nekuda kwematanho ari kutorwa ekudzivirira kupararira kwacho. Varwere vari kupona kuchirwere ichi chikamu che94 percent,” vanodaro.

Kusvika nemusi weChina svondo rino, vanhu 37 052 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 34 814 vakatopona asi vamwe 1 532 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 166 543 vange vabaiwa majekiseni ekudzvirira chirwere cheCovid-19 munyika yose.

Sen Mutsvangwa vanoti chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira denda iri chiri kufambira mberi zvakanaka.

Vanoti zvichitevera kubuda kwenyaya yehuwori huri kuitwa nedzimwe nhubu idzo dziri kupa vanhu magwaro anoratidza kuti vakabaiwa jekiseni reCovid-19 kune vasina kubaiwa, Hurumende yakatora matanho ekusimbaradza zviratidzo zviri pamagwaro aya nedonzvo rekuda kupedza huwori uhu.

Sen Mutsvangwa vanoti magwaro aya achadhindwa nekambani yeFidelity Printers aine zviratidzo zvinosanganisira coat of arms iyo inoonekwe bedzi kana pashandiswa UV light pamwe chete ne”water mark”.

“Hurumende haizi kuzozorora kusvikira vose vane hudyire hwekuda kukanganisa zviratidzo zvechengetedzo zvemagwaro ekubaiwa kwemajekiseni aya vasungwa,” vanodaro.

Pane vanhu vatatu, vanosanganisira vashandi vaviri vepaSeke South Clinic iri kuChitungwiza vakatosungwa vachipomerwa mhosva yekutengesa magwaro anoratidza kuti munhu akabaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19 kune vasina kubaiwa.

Sen Mutsvangwa vanoti Cabinet yakapa mvumo yekuti vemabhizimisi emaCasino vachitenderwa kuvhura asi vanofanirwa kutevedza mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

“Avo vachawanikwa vasingatevedzere mitemo iyi marezinesi avo achakanzurwa. MaCasino ange akavharwa kubvira pakatanga kunyuka Covid-19 muno munaKurume 2020,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links