Vane Covid-19 vowanda

09 Jun, 2020 - 17:06 0 Views
Vane Covid-19 vowanda

Kwayedza

Tandayi Motsi

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti muZimbabwe mava nevanhu 287 avo vanhenekwa ndokuwanikwa vaine Covid-19 – chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunonzi coronavirus.

Pavanhu 287 ava, 46 vavo vakanaya kubva kuchirwere ichi kuchiti vamwe vana (4) vakashaya.

Dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakawanda vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa uku avo vanova 99, richiteverwa neMasvingo (41), Matabeland South (41), Midlands (24), Mashonaland East (23), Matabeland North (6) uye Mashonaland Central ndiyo ine vashoma vabatwa vaine chirwere ichi vanove vana (4).

Bazi iri rinoti huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 hwakwira zvichitevera kuvhenekwa kwakaitwa vanhu vashanu nemusi weMuvhuro uno – vose vainge vabva kuSouth Africa – ndokuwanikwa vaine coronavirus.

Zvizvarwa zvemuno zvinenge zvabva kunze kwenyika zvinombochengetwa kwemazuva 21 kunzvimbo dziri kwadzo dzoga apo vanhu ava vanenge vachivhenekwa nekuongororwa kuti havana chirwere ichi here.

“Kusvika pari zvino, vanhu vavhenekwa ndokuwanikwa vaine Covid-19 vanosvika 287 apo 46 vavo vakanaya kubva kuchirwere ichi kuchiti vamwe vana (4) vakafa kubvira musi wa20 Kurume 2020 apo pakatanga kuvhenekwa varwere,” rinodaro bazi iri.

Vanhu vavhenekwa Covid-19 munyika yose kusvika pari zvino vasvika 53 668.

“Kumbochengetedzwa pamwe nekuvhenekwa kwezvizvarwa zvemuno zvinenge zvichidzoka kubva kunze kwenyika panzvimbo dzavo voga kunobatsira kuti vaya vanenge vaine hutachiona vachimbidze kuzivikanwa uye kuti chirwere cheCovid-19 chisapararire muno,” rinodaro bazi iri.

Coronavirus hutachiona hunokonzera kurwara sekupindwa nechando zvichizowedzera nekufamba kwenguva.

Hutachiona uhu hwakaipisisa sezvo huchitapuriranwa nyore kuburikidza nekusangana pedyo nepedyo nemunhu anaho.

Zviratidzo zvechirwere ichi ndezvinotevera: kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora uchingochururuka dziwa.

Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowedzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.

Kana uchifunga kuti une Covid-19, ridza nhare dzinotevera dzekubazi rezveutano: Hotline +263 714 734 593 kana +263 774 112 531 kana Toll free 2019.

Share This:

Sponsored Links