Vane Covid vowanda

04 Dec, 2020 - 17:12 0 Views
Vane Covid  vowanda

Kwayedza

Tandayi Motsi
HUWANDU hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 muZimbabwe kwemazuva matatu akatevedzana – Chipiri kusvika China svondo rino – huri kuratidza kukwira kwedenda iri kana zvichienzaniswa nenguva pfupi yadarika.

Kusvika nemusi weChina, vanhu 10 243 vange vabatwa neCovid-19 muno.
Pavarwere ava, 8 671 vakatopona asi vamwe 277 vakafa.

Nemusi weChina bedzi, vanhu 114 vakawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uhwo hunokonzera chirwere cheCovid-19.
Vose vanhu ava vagara vari munyika muno.

Huwandu hwevanhu vabatwa vaine chirwere ichi hwakawedzera kana zvichienzaniswa nemusi weChitatu apo 95, vose vagara vari munyika muno, vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Izvi zvinoreva kuti kubva nemusi weChitatu kusvika China huwandu hwevane Covid-19 hwakawedzera nevanhu 19.
Nerimwe divi, vanhu 84 vakawanikwa vaine denda iri nemusi weChipiri apo mumwe chete akafa. Pahuwandu uhu, 61 vagara vari munyika muno uye vamwe 22 vakabva kuSouth Africa nemumwe chete akabva nekuBotswana.

Dunhu reHarare ndiro rine vakawanda iro kusvika nemusi weChina raive nevanhu 3 398 vakabatwa vaine Covid-19.
Pavarwere ava, 3 143 vakapona asi vamwe 121 vakafa.

Bulawayo iri pechipiri nevanhu 2 434 vane Covid-19 apo 1 789 vakapona 80 ndokufa.
Dunhu reMashonaland Central ndiro rine vanhu vashoma vawanikwa vaine chirwere ichi avo kusvika musi uyu vaive 244. Pavarwere ava, 228 vakapona asi vamwe 11 vakafa.

Vanhu vakawanda vanoratidza kuti havasisina hanya nekuzvidzivirira kubva kuCovid-19 sezvo vari kuonekwa vachifamba vasina kupfeka mamasiki munzvimbo dzinoungana veruzhinji.

Vamwe ndivo vari kuita chitsotsoko kungave kuzviteshi zvemabhazi, mumisika nemuzvitoro.
Kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi kwaona Hurumende ichisimbaradza matanho ekurwisa kupararira kweCovid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey