‘Vane HIV dzivirirwai Covid’

02 Apr, 2021 - 08:04 0 Views
‘Vane HIV dzivirirwai Covid’ Mai Kasirori Johana Farirayi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHU vanorarama neutachiona hweHIV nezvimwe zvirwere zvisina zviratidzo zviri pachena seBP necheshuga vari kukurudzirwa kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 sezvo vari panyatwa yekurwara zvakanyanya kana kurasikirwa neupenyu kana zvichienzaniswa nevane utano hwakanaka.

Kwayedza inokurukura naMai Kasirori Johana Farayi vanova mumwe wevanorarama neutachiona hweHIV avo vakazvipira kunobaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19 nechinangwa chekungetedza upenyu hwavo nehwevamwe.

Mai Farayi vanoshanda zvakare semunyori kusangano rePan African Positive Women’s Coalition-Zimbabwe (PAPWC-ZIM) iro rinotungamiririrwa naMuzvare Tendai Westerhoff.

Sangano iri rakanangana nekutsigira madzimai nevanasikana vanorarama nehutachiona hweHIV munyaya dzemutemo, budiriro nemabhizimisi, pakati pezvimwe.

Muzvare Westerhoff – avo vanova zvakare nhengo yebhodhi reNational AIDS Council – vakabaiwawo jekiseni rekudzivirira Covid-19 nguva pfupi yadarika.

“Ini ndakaenda kunobaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19 kwete nekumanikidzirwa, asi nekuda kwangu. Ndakakurudzirwa kutora danho iri nachiremba wangu mushure mekunzwa nezvechirongwa chekubaiwa ichi panhepfenyuro nekuti handisi munhu uya anoita zvemanzwira-nzwira,” vanodaro.

Mai Farayi vanoenderera mberi vachiti, “Hongu, ndisati ndabaiwa ndakamboshungurudzikana mupfungwa nekuda kwemamwe mashoko uye mavhidhiyo aitenderedzwa sepamaWhatsApp, vachitaura nezvekuipa kwemajekiseni aya asi pandakaita tsvakurudzo ndipo pandakadzidza kuti kune vamwe vanhu vanongotaura kunyangwe nekwavasina kuswera.

“Pari zvino ndatodarika svondo ndabaiwa uye hapana kurwara kwandiri kunzwa. Mabasa angu epamba ndiri kuita, kubasa kwangu kwandinofundisa ndiri kungoona zvose zvichiendeka. Ndiri kutonzwa kugwinya uye mishonga yangu yeHIV ndiri kutora zuva nezuva,” vanodaro.

Mugore ra2008, mudzimai uyu akahwinha mubairo mukuru wekurwisa chirwere cheHIV mumakwikwi eAuxillia Chimusoro Awards.

“Ndinoti kuvanhu vane HIV nevasina zvimwe zvirwere sarudzo ndeyenyu, majekiseni aya akanaka zvikuru nekuti kubaiwa kweveruzhinji kudzivirirwa kwenyika sezvo kana vanhu vakawanda vakabaiwa zvinoreva kuti vazhinji vachadzivirirwa nyika yokunda denda iri,” vanodaro Mai Farayi.

Share This:

Sponsored Links