Vane hiv vobatsirwa

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Vane hiv vobatsirwa Chirundu South Welness Centre

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MADZIMAI nevarume avo vanotengesa bonde senzira yekutsvaga raramo kuChirundu vari kubatsirikana panyaya dzekurapwa zvirwere zvepabonde kusanganisira HIV pakiriniki yeChirundu South Wellnes Centre.

Kwayedza payakashanyira nzvimbo iyi nguva pfupi yadarika pasi pechirongwa chaitsigirwa neNational AIDS Council (NAC), yakaona kubatsirikana kuri kuita vanhu vanotengesa bonde pamwe nekunzwawo nhunha dzavo.

Sister Varaidzo Muchina vanova Nurse and Counsellor pakiriniki iyi vanoti huwandu hweHIV uye zvirwere zvepabonde hwakanyanya munzvimbo iyi zvichitevera mabasa echipfambi ayo anokurumbira munharaunda iyi.

Vanoti munzvimbo iyi makawanda vatyairi vemagonyeti vanofamba nzendo refu vasina madzimai avo, izvo zvinoita kuti vagumisire votenga bonde.

“Chinangwa chedu ndechekuderedza utachiona hweHIV kubva kune vanotengesa nevanotenga bonde. Huwandu hwevanotengesa bonde muno muChirundu nomusi wa18/09/18 hwaive pa1 013 uye vakavhenekwa vakaonekwa vaine utachiona hweHIV kubva musi wa10/06/18 – 31/06/18 vaive 167 kuchiti huwandu hwevakaonekwa vaine zvimwe zvirwere zvepabonde panguva imwe chete iyi hwaive 129,” vanodaro.

Vanoti vanhu vari panyatwa mukutapurira kana kutapurirwa utachiona hweHIV nezvimwe zvirwere zvepabonde munzvimbo iyi vanosanganisira madzimai anotengesa bonde, varume vanoita zvimwe chetezvo, varume vanodanana nevamwe varume kana vakadzi vanodanana nevamwe vakadzi asi vachizodanana zvakare nevatyairi vemagonyeti.

“Tinovheneka utachiona hweHIV nezvimwe zvirwere zvepabonde, malaria nekuzvirapa pachena uye kupanga mazano kuti vanhu vawanikwe vachisandura nzira dzekurarama nadzo.

“Kune vanoita mabasa echipfambi avo tinenge taona kuti vava nepamuviri tinovatumira kumakiriniki eHurumende kuti vanorapwa pamwe nekusunungukira ikoko tichivafundisa mashandisirwo kwawo emakondomu,” vanodaro Sister Muchina.

Vanoti dambudziko rekusatambirwa nemazvo kwekondomu rechikadzi munharaunda iyi ndiro guru asi vari mushishi kufundisa vanhu nezvaro.

Audrey Chikeya anova peer educator supervisor munzvimbo iyi anoti vanoita zvakare tevedzo yakasimba kune vanoita mabasa echifambi katatu kana kamwe chete pamwedzi zvichienderana nekuti vari panyatwa zvakadii yekutapurirwa kana kutapurira vamwe zvirwere zvepabonde.

Chikeya anoti varume vanotengesa bonde variko asi havasati vasangana kana nenyaya imwe chete nepamusaka pekuti vanotya nyaya dzerusarura.

“Tine varume vanotengesa bonde kune mamwe madzimai ane mari nezvinhu zvawo uye vamwe vanoritengesa kune vamwe varume.

“Dambudziko nderekuti havasati vave nezvivindi zvekubuda pachena asi kana vachinge vauya tinovarapa pasina kubvunza zvakawanda nekuti donzvo redu nderekuderedza huwandu hwezvirwere zvepabonde.

“Tine zvirongwa uye ongororo yatiri kuita kuitira kuti varume ava vawanikwe vachibuda pachena,” anodaro.

Vamwe vanoita mabasa echipfambi munzvimbo iyi, avo vakaramba kuburitswa mazita avo, vanoti vanofara nekuvakwa kwemuzinda wekurapwa uyu nekuti panguva iyo wakanga usiko, vaidhurirwa nekufamba nzendo refu vachienda kuzvipatara zviri kure.

Zvisinei nekuti nzvimbo iyi ine mukurumbira wechipfambi, zvakaonekwawo kuti vanasikana vasati vabva zera avo vanoita mabasa echipfambi vachiri vashoma kana zvichienzaniswa nemamwe mabhodha.

Mugore ra2012, Sadc yakaparura chirongwa chemakore mashanu chekurwisa HIV neAIDS kumiganhu yenyika.

Share This:

Sponsored Links