Vane mazita, asi havadaidzwi nawo

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

REGAI nditange nokukumbira ruregerero kuvaverengi, nokuti chinyorwa chino chinogona kubata-bata vamwe vanhu kubudikidza nemazwi achashandiswa. Ndichataura mazwi asinganyanye kushandiswa, asi kune vamwe achivaitira nyore kushandisa.

Chinangwa handi chokusvora kana kutuka, kana kutarisira vanhu pasi, asi kuda kuti tese tibve patsika yokudaidza munhu nezvisingaite, iye munhu aine zita rake rokuzvarwa. Kudawo zvakare kukurudzira kuti zvakaipeiko kuti munhu angodaidzwa nezita rake?

Hapana munhu asina zita rokuberekwa, kunyange zvazvo mazita edu muchiShona achiuya nepakawanda. Pazvarwa mwana, anotopihwa zita chete, rinove zita richazoiswa pamagwaro okuzvarwa, sezvitupa, mapasipoti nemamwe matsamba akakosha.

Zita rakakosha mune zvese. Rinopa mbiri, uyewo rinoita kuti zvionekwe kuti vanhu vanomuremekedza nokumudaidza nezita rake.

Vamwe vane mazita akanaka, asi vamwe vane asingaiite zvachose okuzvarwa – muchiShona nechiRungu zvese. Asi, zita rakanaka, rakangokanawo zvaro. Rinongopa munhu chimiro nehunhu, kupinda mamwe mazita aunobvunza kuti vabereki vacho vakapirei mwana mutoro wakadaro.

Ndinoyeuka mumwe mutauri pachiRungu achiti, “When you don’t have a good name, it will go ahead of you,” zvichireva kuti zita rakaipa rinotungamira mberi ronotaura zvauri. Kana risingaite, rinonokuvhiringidzira zvinhu.

Tiri ipapo, pane vamwe vedu vanotoruza mazita avo sokuseka, ozongopedzisira achidanwa navabereki vavo kana hama dzepedyo-pedyo.

Vanhu ava vane matambudziko akafanana nourema, urwere nezvimwe zvinongoita kuti upenyu hwomunhu husafadza. Vamwe mapofu, vamwe vanorwara nepfungwa, vamwewo vari masope.

Mati mazviona here kuti ivava vanhu ruzhinji rwavanhu harwuvadaidzi namazita avo? Unonzwa vachinzi, “Chirema chiya; benzi riya; bofu riya; musope uye kana mbeveve iya.”

Anonzi chirema, ane zita rake rakanaka rakafanana naAnopaishe. Anonzi ibofu, zvimwe chetezvo, anogona kunge achinzi Nyasha. Wamunopa zita rokuti mbeveve, anonzi John, kotiwo wamunodaidza kuti musope anotonzi Rumbidzai. Uya wamunogara muchiti benzi riya riya, pamwe anotonziwo Garikai.

Asi, zvavari izvozvo ndizvo zvinonzwa vanhu kuti vagone kungovadeedza nazvo, kwete mazita avo, iri nzira yokungoda kuvadzikisira.

Kana tasvika paurwere, unonzwa zvakare vanhu vachiti, “uya wepfari, kana kuti ane mukondombera?”

Vanoshaya, unongonzwawo vachinzi vaya vokugara vachikwereta kana kukumbira, kana kuti vanopemha vakagara panze pechitoro.

Izvi zvinotaurwa nomunhu anenge achiziva zita remunhu iyeye, asi anofunga kuti kumutsanangura nezvaari, zvinoita kuti anyatsozivikanwa. Anoitwa kunge munhu ane zita renhando.

Kana n’anga chaidzo dzinoita kunge dzisina mazita, nokuti unongonzwa kuti, pamba pen’anga iye. Zvimwe chete nevanoenda kukereke. Kana ari madzimai oruwadzano, vanongonzi, madzimai amabhachi.

Mienzaniso yakawanda, asi munyori ari kungoda kuyeuchidza tese kuti urema hazvirevi kusava munhu. Vamwewo vanozoti urema huri pakawanda.

Vamwe vane urema hunoonekwa, asiwo vamwe hazvisi pachena, saka nyaya yokuti chirema chiye, kana kuti bofu riye haisi nyaya yatingatarisire kuti ichiri kuitwa mukore uno watiri kurarama, pfungwa dzavanhu dzavandudzwa nokuonawo zvinoitwa kune dzimwe nyika.

Vamwe vangati ko inga muBhaibheri shoko raMwari varimo wani vasingataurwi nemazita, asi vanongonzi paive nebofu kana chirema. Hongu, asi zvinangwa zvakasiyana apa.

Chati homu, chareva!

Share This:

Sponsored Links