‘Vane nharo huyai muzvinzwire . . .’

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Vane nharo huyai muzvinzwire . . .’ Mambo Zimunya

Kwayedza

Mombe iri kutaura chimanyika ‘feya-feya’

Abel Zhakata ari kwaMUTARE—

MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita nekuromba kana kuti huroyi, pane mhuri igere kuDora Dombo, chinhambwe chipfupi kubva maMutare, iyo yaona moto mushure mekunge imwe yemombe dzavo yangotanga “kutaura” nerurimi rwaamai — Shona.

Mashura anonetsa kubvuma aya ari kuitika mubhuku raMambondiani.

Vachitaura neKwayedza vari padare ravo riri kwaMutare nemusi weChipiri svondo rino, Mambo Zimunya vanotsinhira nezvenyaya inotyisa iyi, asi ndokuti pari zvino vanoda kumbomira kudura zita remhuri iri kuoneswa ndondo nemombe iri kutaura iyi.

Vanoti kune avo vanoda kuzvionera nekuzvinzwira pamusoro pemashura aya, vakasununguka kuenda kudare ravo “paweekend ino”.

“Nemusi weSvondo uno dare rangu richagara kuzeya nyaya iyi. Vose vane chekuita munyaya iyi ndakavati vauye kudare saka vanotarisirwa kuvapo,” vanodaro Mambo Zimunya.

Mambo ava vanoti chiitiko ichi ndechekutanga mudunhu ravo.

“Iyi inyaya yechokwadi, yemombe mhou iri kutaura. Inonyatsotaura zvinonzwika.

“Ini ndanga ndisati ndakambosangana nemashura akadai, mombe kutaura nerurimi rwedu rwaamai? Izvi ndizvo chaizvo zviri kuitika mubhuku raMambondiyani.

“Mombe iyi inoti paya padzinenge dzoburitswa mudanga kuti dzienda kumafuro, inotanga kunyunyuta ichiti mombe dziri kunonoka kuvhurwa mudanga kuti dzinofura. Inonyunyuta ichiti ine nzara, pakarepo yobva yakumbira mvura yekunwa.

“Pakuenda kumafuro, mombe mhou iyi ndiyo inotungamirira dzimwe dzose. Mufudzi wemombe akangoda kudziendesa kwaanofunga kuti ndiko kune mafuro, mombe iyi hainonoke kugunun’una — inotaura kuti ikoko hakuna huswa, yakanyatsomutarisa.”

Mambo ava vanoti maitiro emombe iyi haana kumbosiyana nezvinoitwa nemunhu.

Nyaya yemombe iyi yakakwidzwa kudare raMambo Zimunya masvondo maviri adarika mushure mekunge varidzi vayo vaoneswa chitsvuku.

“Hapana chimwe, nyaya iyi inonongedza kumabasa ekuromba nehuroyi – juju. Mombe haingataure kunge munhu.

“Pane wemumhuri akabata mishonga yakaipa. Zvino chaakadya chamuka — zvava kuvazvimbira. Rangu idare rechivanhu, saka rinokwanisa kugadzirisa nyaya iyi ichipera.

“Tichatora vanoita zvechivanhu kuti vajekese kuri kubva izwi riri kubuda pamombe iyi. Mushure mekunge taita chivanhu, zvose zviri kukonzeresa mashura aya zvichabuda pachena, kana paine vari kukonzeresa vogadzirisa mabasa avo,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti pane minana yakawanda inoitika mudunhu ravo – asi yose vachiigadzirisa.

“Mhuri iyoyi iri kuziva zvakaitika, vari kutonangana nechekare.

‘‘Vacho vari kunanga nevari kunangwa vari kuuya mudare kuzojekesa nyaya yavo,” vanodaro mambo ava vachisimbisisa kuti kana paine vasiri kugutsika nezviri kuitika kumhuri iyi, vakasununguka kuenda kudare ravo nemusi weSvondo. —Manica Post

Share This:

Sponsored Links