Uncategorized

Vanhu 10 vakafa nehowa

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

VANHU gumi vemumhuri imwe chete yekwaSabhuku Makuta, kuMberengwa – vapfumbamwe vacho vari vana – vakafa mushure mekudya howa hunokora.

Kukora zvinoreva zvinoreva kudya chinhu chinorwarisa kana kuuraya.

Vanonwe vevanhu ava vakafa svondo rino apo vainge vari muchipatara cheMpilo Central Hospital, kuBulawayo, umo vange vachirapwa.

Vamwe vatatu vemhuri iyi, vose vana, vakashaya neChina chadarika apo vaiedza kubatsirwa.

Clinical Director weMpilo Central Hospital, Dr Solwayo Ngwenya, vanoti vana vatanhatu nemurume mumwe chete vakarasikirwa neupenyu svondo rino mushure mekunge vaendeswa kuchipatara ichi vachirwara.

“Takatambira vanhu gumi nemumwe svondo radarika avo vatinofungira kuti vakadya howa. Tarasikirwa nevanomwe vavo vanosanganisira vana vatanhatu nemurume mumwe chete pakati pesvondo.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vasangodya howa hunongotorwa mumasango senzira yekuchengetedza upenyu. Vanhu ngavaregedze kungodya howa hunotengeswa mumigwagwa,” vanodaro.

Dr Ngwenya havana kuzivisa mazita evafi. Zvisinei, mapurisa anozivisa mazita evamwe vashakabvu vatatu vakafa nomusi weSvondo saModester Shoko (7), Prince Sithole (7) naPrisence Ngwenya (8).

Mapurisa anoti Modester, Prince naPrisence vana vemhuri imwe chete uye vakadya howa neChipiri svondo radarika.

Vanhu vemhuri iyi vanonzi vakarwara vachibva vaendeswa kuMasase Mission Hospital uko vamwe vakadarikidzwa kuMpilo Central Hospital.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Assistant Inspector Ethel Mukwende vanoti nomusi weChipiri chadarika, VaTenious Shoko (45) vakatuma mwanasikana wavo ane makore 16 okuberekwa kuti anotsvaga howa hwekuti vaite usavi.

Vanoti mwana uyu akabika howa uhwo hwakadyiwa nemhuri yose.

“Ave mangwana makuseni vana avo vakanga vadya howa uhwo hwainge hwasiiwa husiku hwadarika vachigadzirira kuenda kuchikoro vakatanga kurwadziwa nemudumbu,” vanodaro Asst Insp Mukwende.

“Pasina nguva Modester akabva arwara zvakasimba ndokushaya munguva dzemasikati,” vanodaro.

Ass Insp Mukwende vanoti Prince naPrisence vakashaika vachangosvika paMasase Mission Hospital.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey