. . . mamiriro ezvinhu akagadzikana
Rumbidzayi Zinyuke
ZIMBABWE yakazivisa nemusi weSvondo kuti ine vanhu vaviri vane chirwere cheMpox, asi gurukota rezveutano nekurerwa kwevana — Dr Douglas Mombeshora — vakakurumidza kuvimbisa veruzhinji kuti zvinhu zvose zviri mugwara sezvo matanho akakodzera ari kutorwa, kusanganisira pamiganhu inopinda nekubuda nevanhu munyika.
Nyaya idzi dzakamhan’arwa muHarare neMberengwa mudunhu reMidlands uye vanhu ava vari kugara kwavo vega, vachiwana rubatsiro rwakakodzera.
Izvi zvinoita kuti Zimbabwe ive nyika yechigumi nenomwe muAfrica kuve nevanhu vane chirwere ichi.
Zambia yakazivisa nyaya yayo yekutanga musi wa11 Gumiguru uye South Africa ikazivisawo nezvevane chirwere ichi nguva yadarika.
Vachitaura kuvatori venhau muHarare nemusi weSvondo, Dr Mombeshora vanoti: “Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoda kuzivisa nyika kuti Zimbabwe yave nevanhu vaviri vane chirwere cheMpox, mumwe muHarare nemumwe kuMberengwa.
“Vose vari kudzimba, vakatsurwa kubva kune vamwe uye vari kuwana rubatsiro rwakakodzera. Mamiriro ezvinhu akagadzikana uye vari kupora.”
Dr Mombeshora vanoti nyaya yekutanga ndeyemukomana ane makore 11 okuberekwa ane nhoroondo inozivikanwa yekuti akamboenda kuSouth Africa munaNyamavhuvhu, ndokuzodzokera kuZimbabwe musi wa10 Gunyana.
Akazoita zviratidzo musi wa23 Gunyana, ave kugara pake ega kumba uye haachakwanisi kutapurira vamwe.
Vanhu vanomwe vaakambosangana navo vatoonekwa uye vari kuongororwa utano hwavo.
Nyaya yechipiri ndeyemurume ane makore 24 ekuberekwa uyo ane nhoroondo inozivikanwa yekuenda kuTanzania musi wa14 Gunyana ndokudzokera kuZimbabwe musi wa21 Gunyana.
Akatanga zviratidzo nemusi wa29 Gunyana 29, ava kugara pake ega kumba uye haachakwanisi kutapurira vamwe chirwere ichi.
Mpox yakaziviswa senjodzi yeutano hwepasi rose neWorld Health Organisation (WHO) munaNyamavhuvhu mushure mekunge mhando itsva yechirwere ichi, inozivikanwa nekunzi 1b strain, yapararira kubva kuDemocratic Republic of Congo (DRC) kuenda kunyika dzayakavakidzana nadzo muAfrica.
Mpox inopararira kuburikidza negumana nemunhu ane chirwere ichi, mhuka kana nezvinhu zvine hutachiona.
Zviratidzo zvacho zvinosanganisira kupindwa nechando, mapundu (anogona kuita semburwa kana kuti seehutsva anoonekwa kumeso, mukati memuromo kana dzimwe nhengo dzemuviri, kunyanya maoko, tsoka nepachipfuva), kutemwa nemusoro, kurwadziwa nemhasuru uye musana, kuzvimba, kupera simba, kurwadziwa nepahuro, mhino kana kukosora.