Vanhu 24 vafa mutsaona yebhazi negonyeti

13 Feb, 2025 - 15:02 0 Views
Vanhu 24 vafa mutsaona yebhazi negonyeti Bhazi rabonderana negonyeti

Munyori weKwayedza

VANHU 24 vafa nhasi mangwanani apo bhazi ravange vakakwira reUrban Connect rabonderana negonyeti paLutumba Tollgate mumugwagwa Beitbridge-Masvingo.

Vaona tsaona iyi ichiitika, vanoti bhazi iri, iro range richienda kuBeitbridge, rabonderana negonyeti range richienda kuChirundu apo range rakatakura matani 34 emagnesium.

Beitbridge District Medical Officer, Dr Lenos Samhere, vanotsinhira kuti vanhu 24 vafa pabonderana bhazi negonyeti iri.

Vanoti vanhu 17 vafira panzvimbo apo vamwe vanomwe vange vakura misoro vafa vachangopinzwa muchipatara ichi.

Dr Samhere vanoti vanhu vanodarika 30 vakuvara vakaendeswa kuchipatara ichi uye 12 vavo vakuvara zvakanyanya.

Share This:

Sponsored Links