Vanhu 3 vabirwa US$2.3k

18 May, 2023 - 09:05 0 Views
Vanhu 3 vabirwa US$2.3k Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vatatu vekuGweru vanonzi vakabirwa US$2 316 nenhare nhatu nematsotsi mushure mekunge vakwira motokari yavo panzvimbo yeGreenvale.

Izvi zvinonzi zvakaitika munguva dzemangwanani apo vatatu ava vakakwira motokari yerudzi rweHonda Fit yaive nevarume vatatu muGweru vachida kuenda kuMvuma.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti motokari iyi payakasvika pachinhambwe che10 kilometre peg mumugwagwa unoenda kuMvuma, yakabva yanangiswa nemumwewo mugwagwa.

Mumwe wevarume vaiva mumotokari iyi ainge agere kumberi akabva aburitsa banga akataurira vanhu vatatu ava kuti vaburitse mari apo vose vakaburitsa mari nekutya ndokumugashidza.

Insp Mahoko vanoti mari yakaburitswa nevanhu vatatu ava inosvika US$2 316 uye vakabirwawo bhegi raiva nembatya nenhare nhatu.

“Makororo aya akabva ataurira vatatu ava kuti vabude mumotokari, ivo vachibva vatyaira nemugwagwa unodzokera kuGweru,” vanodaro Insp Mahoko.

Munyaya inofambirana neiyi, murume wemakore 36 ekuberekwa wekuWoodlands, kuGweru, akabirwa US$40 nenhare mbiri mushure mekunge akwira motokari yembavha.

“Sydney Zinhu akakwira motokari yerudzi rweHonda Fit ine nhamba dzinoti AFW 4409 yaiva nevanhu vaviri mukati pachiteshi chepanzvimbo yemabhizimisi yeWoodlands Phase 1 achida kuenda muguta reGweru,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti vari mumugwagwa kuenda muguta reGweru, motokari iyi yakapinda nemugwagwa unoenda kuCharlton Park.

“Varume vakange vari mumotokari iyi vakazoburitsa muchina unogwinha wemagetsi (electric shocker) nebanga vachivhundutsira murume uyu kuti aburitse zvose zvakakosha zvaaiva nazvo vachiti vaigona kumuuraya. Vakabva vamubira mari nenhare mbiri ndokumusandudzira kunze kwemotokari vachibva vatiza,” vanodaro Insp Mahoko.

Makororo aya anonzi akabirawo murume wemakore 52 okuberekwa wekuMkoba, kuGweru kwekare, mari inokwana US$30 nenzira imwe chete iyi.

Insp Mahoko vanoti pakubirwa kwemurume uyu, mumwe munhu akabva atora nhamba dzemotokari iyi achibva adziendesa kumapurisa.

“Tiri kukumbira kuruzhinji kune vane ruzivo nemotokari yeHonda Fit ine nhamba dzinoti AFW 4409 yeruvara rwesilver kuti vataurire mapurisa ari padyo navo makororo aya asungwe. Tinokurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekukwira motokari dzemushikashika asi kuti ngavakwire mabhazi eruzhinji,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey