Uncategorized

Vanhu 32 vafa pazuva rimwe

30 Dec, 2021 - 11:12 0 Views
Vanhu 32 vafa  pazuva rimwe

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU 32 vakafa neCovid-19 nemusi weChipiri svondo rino hunove huwandu hwakanyanya kukukwira kana zvichienzaniswa ne27 vakashaya pazuva rimwe chete nechirwere ichi vhiki rapera.

Mashoko epazuva anoburitswa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti musi uyu vanhu 2 099 vakawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa.

Vanhu 27 vakafa neCocid-19 nemusi wa23 Zvita apo vamwe 18 vakange vafa zvakare nemusi wa20 Zvita.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa nechirwere cheCovid-19 huri kukwira kubvira pakanyuka hutachiona hutsva hwemhando yeOmicron variant.

Kusvika nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 207 548 vakange vawanikwa vaine denda iri mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga chirwere ichi munaKurume wegore rapera munyika muno.

Pavarwere ava, 169 963 vakatopona asi vamwe 4 940 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 4 106 875 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzvirira Covid-19 apo vamwe 3 115 197 vange vabaiwa ose ari maviri – rekutanga nerechipiri (2nd dose).

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya chikamu che60 percent kana kuti vanhu 10 miriyoni pavanhu vose vari munyika kuti inge yakadzivirirwa kubva kudenda iri.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Vice President Constantino Chiwenga, vari kukurudzira vose vasati vabaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 kuti vabaiwe.

Vachitaura svondo rapera kuvarimi nevamwe vatsigiri vechikamu chezvekurima pachirongwa cheFederation of Young Farmers Club Zimbabwe, VP Chiwenga vanokurudzira veruzhinji kuti vabaiwe majekiseni aya senzira yekuzvidzivirira kubva kudenda ranetsa pasi rose iri.

“Ibasa redu rekuona kuti zvatinoita zvinochengetedza utano hwedu. Nzira yakanyanya kunaka pakuzvichengetedza kubaiwa nhomba.

“Tinawo mushonga wenhomba unokwanirana. Tinoda kuti munhu wose wemuZimbabwe akakodzera kubaiwa abaiwe,” vanodaro VP Chiwenga.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho ose akatarwa nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) uye nebazi rezveutano nekurerwa kwevana ekudzivirira kupararira kweCovid-19.

VP Chiwenga vanoti vanamazvikokota vezveutano nevamwe vesainzi vachiri kuita ongororo yemhando yehutachiona hutsva hweOmicron variant.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>