Vanhu 6 vafa vadya howa hunokora

18 Jan, 2023 - 11:01 0 Views
Vanhu 6 vafa vadya howa hunokora VANHU vatanhatu vemumhuri mbiri dzinoti yekwaChirumanzu neyekuChivhu vakafa mushure mekudya howa hunokora.

Kwayedza

Freedom Mupanedemo naArron Nyamayaro

VANHU vatanhatu vemumhuri mbiri dzinoti yekwaChirumanzu neyekuChivhu vafa mushure mekudya howa hunokora.

Panyaya yekwaChirumanzu, mumwe mudzimai nevana vake vaviri vakafa, vamwe vatanhatu vemumhuri iyi, vose vadiki, vakapihwa mibhedha muchipatara mushure mekudya howa hune muchetura nemusi weSvondo.

Mai Sarah Mangena (63), dangwe ravo Nyengeterai (28) nemwanakomana Anopa (15) vakashaya apo vairapwa muchipatara cheDriefontein.

Mudzviti weChirumanzu, VaVafi Hlavati, vanotsinhira nyaya iyi vachiti vanhu vatanhatu vakapona mushure mekudya howa uhu, avo vairiritirwa naambuya vavo, upenyu hwavo hausisiri panjodzi uye vakabuda muchipatara.

“Tiri kubatsira pachiitiko chinosuwisa zvikuru ichi, chakaitika nemusi weSvondo kubhuku raMakina pasi paMambo Chirumanzu apo pakashaya vanhu vatatu vemumhuri iyi vamwe vatanhatu vakapihwa mibhedha muchipatara mushure mekunge vadya makorwa ehowa pakudya kwemanheru,” vanodaro.

“Chinonyanya kurwadza ndechekuti ambuya ndivo vairiritira uye vamwe vanhu vakuru vakashayawo vachisiya vana, mukuru ari musikana ane makore masere okuberekwa ari muGrade 3,” vanodaro.

VaHlavati vanoti mumiririri wedare reParamende munzvimbo iyi, Cde Prosper Machando, hofisi yavo pamwe nevakuru vekanzuru vari kubatsira parufu rwevanhu vatatu ava.

VANHU vatanhatu vemumhuri mbiri dzinoti yekwaChirumanzu neyekuChivhu vakafa mushure mekudya howa hunokora.

Vanoti hofisi yavo iri kutsvaga nzira dzekubatsira vana vakapona ava.

“Mumiririri weParamende, Cde Machando vakatenga mabhokisi matatu, hofisi yaDA ikapa hupfu, bhinzi nemupunga,” vanodaro VaHlavati.

“Vekukanzuru vakabatsira nechingwa, girosari nemuriwo. Hofisi yaDA yakapawo magumbeze kuvana vakasiiwa. “

Vatatu ava vakavigwa nemusi weMuvhuru uno.

Cde Machando vanoti izvi zvinosuwisa zvikuru.

“Mamiriro ezvinhu anosiririsa akaitika kumhuri iyi uye hatizive kuti tingabatsira sei vana vasara,” vanodaro.

Mune imwe nyaya inodyidzana neiyi, vana vatatu vemumhuri imwe chete vakafa nemusi weChishanu chadarika apo vamwe vaviri vakarapwa ndokubuditswa muchipatara mushure mekudya howa hunokora mubhuku rekwaRange, kuChivhu.

Prudence Mhangami (10) akafa achangosvika pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals apo Liona Zariro (3) naMazvita Taderera (2) vakafa vachangosvika paChivhu General Hospital.

Mutauriri wemhuri iyi, Runzi Kanokora, anoti vana ava vaigara nasekuru vavo.

“Vashanu ava vaigara nasekuru vavo. Nemusi uyu, vana ava vakadzura howa apo vaienda kumba vachibva kuchikoro.

“Sekuru vavo vakabika sadza ravaifanirwa kudya nemukaka vachibva vachimbidza kunorara.

“Vana ava vakazobika ndokudya howa uhu izvo zvakazokonzera kuti vatatu vavo vafe,” anodaro Kanokora.

Share This:

Sponsored Links