Vanhu 7 vanofungirwa kuti vafa necholera

17 Apr, 2023 - 16:04 0 Views
Vanhu 7 vanofungirwa kuti vafa necholera Cholera: Hutachiwana hunokonzera cholera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE, kuburikidza nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, iri kusimbaradza zvirongwa zvekuvhenekwa kwechirwere checholera munzvimbo dzose dziri kunyuka denda iri senzira yekurwisa kupararira kwaro panguva iyo vanhu vanomwe vari kufungirwa kuti vafa nekuda kwechirwere ichi kusvika pari zvino.

Vanhu vatatu vakabatwa nechirwere checholera nemusi wa16 Kubvumbi uye hapana akafa pazuva iroro.

Nyaya nhatu itsva dzechirwere ichi dzakawanikwa kuCentenary, Mutare Rural nekuBeitbridge.

Pazuva iri, vanhu gumi vane chirwere checholera vakapihwa mibhedha muzvipatara avo vanoti vana (4) paBeitbridge District Hospital mudunhu reMatabeleland South, vaviri muguta reMutare, vaviri kuMutare Rural, mumwe chete kuChimanimani uye mumwe chete zvakare kuCentenary, kudunhu reMashonaland Central.

Zimbabwe kusvika pari zvino yava nenyaya 457 dzinofungidzirwa kuva dzechirwere checholera apo 91 dzakatsinhirwa uye ndufu mbiri dzakatsinhirwa pandufu nomwe dzinofungirwa kunge dzakarerekera kuchirwere ichi.

Kune vanhu vasere vatsva vakapora kubva kuchirwere checholera izvo zvinopa chikamu che96 percent chevari kupora munyika yose.

Dunhu reMatabeland North neMidlands hakusati kwaita kana nyaya imwe chete yechirwere ichi.

Zvichakadai, bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kuita ongororo kuburikidza nenzira yeRapid Diagnostic neCulture Test kuvanhu vanofungirwa kuva nechirwere ichi.

Madistricts 17 ayo anonetsa necholera kubva mumakore adarika anosanganisira Buhera, Chegutu, Chikomba, Chimanimani, Chipinge, Chitungwiza, Chiredzi, Harare, Gokwe North, Marondera, Mazowe, Shamva, Mutare, Murehwa, Mwenezi, Seke neWedza.

Share This:

Sponsored Links