Vanhu ivava tinovatenda

15 May, 2020 - 00:05 0 Views

Kwayedza

ZIMBABWE, sedzimwe nyika dzakawanda, pari zvino iri mushishi yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 icho chazengezana pasi rose.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muongororo dzaitwa muZimbabwe vanhu 37 vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19.

Pavanhu 37 ava, vana vakafa uye vamwe 12 vapona.

Kushomeka kwevanhu vabatwa nechirwere ichi kusvika pari zvino, pamwe chete nevafa, mucherechedzo mukuru webasa guru riri kuitwa neHurumende, kuburikidza nevashandi vezveutano nemamwe mapoka akasiyana, mukurwisa kupararira kweCovid-19.

Tinodaro nekuti kune dzimwe nyika – kusanganisira dzakabudirira munyaya dzeupfumi uye dzine zvipatara zvemhando dzepamusoro – vanhu veko vari kungoita murakatira kufa.

Nyika idzi dzinosanganisira United States iyo ine vanhu vanodarika 75 000 vafa nechirwere ichi uye vamwe vanodarika 1,5 miriyoni vabatwa neCovid-19.

Muhondo yekurwisa Covid-19 iyi, vashandi vezveutano ndivo vari pamberi sezvo vari ivo vanovheneka pamwe nekurapa vanhu vanenge vabatwa neCovid-19.

Iri harizi basa riri nyore sezvo vashandi ava vari panjodzi yekutapurirwa hutachiona hwecoronavirus.

Kunyika dzekumhiri kwamakungwa dzakadai seUnited Kingdom, kune vashandi vezveutano vakawanda vafa kana kurwara mushure mekunge vabatwa neCovid-19 vari pabasa.

Uyu mucherechedzo wekuti basa iri rinoda kuzvipira pamwe nemwoyo murefu.  Hazvisi nyore kuita basa raunonyatsoziva kuti rinokuisa panjodzi yekubatira chirwere chakaita seCovid-19 icho chiri kuuraya vanhu vakawanda pasi rose uye chisati chawanirwa mushonga wekuchirapa.

Vashandi vezveutano vanofanirwa kurumbidzwa zvikuru nekuzvipira kuita basa ravo panguva iyo Zimbabwe yakatarisana nehondo yekurwisa coronavirus.

Tinoti ngavarambe vachishanda nemwoyo unoda sezvavari kuita nekuti chirwere ichi chichiripo.

Sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti muAfrica munogona kufa vanhu vanodarika 190 000 nekuda kweCovid-19 kana pakasatorwa matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Izvi zvinoratidza kuti hondo yekurwisana nechirwere ichi ichiri kuenderera mberi. Kunze kwevashandi vezveutano, kune mamwe mapoka akasiyana ari kubatsira mubasa guru rekurwisa kupararia kwecoronavirus.

Mapoka aya anosangasira masangano ari kubatsira nemidziyo yekushandisa semamasiki, michina yekuvheneka Covid-19 nezvimwe zvakasiyana.

Mapazi akasiyana anoona nezvekuchengetedzwa kwemutemo ari kubatsira zvakare muhondo yekurwisa kupararira kwecoronavirus nekuona kuti veruzhinji vatevedzera matanho anenge ataurwa neHurumende. Matanho aya anosanganisira kuti vanhu vapfeke mamasiki uye vasaungane.

Zviri pachena kuti munhu wose ane chikamu chaanofanira kuita muhondo yekurwisa coronavirus.

Tikaisa misoro pamwe chete, tinokunda. Imbwa mbiri hadzitorerwe nyama!

Share This:

Sponsored Links