‘Vanhu tave kuvarairwa’

06 May, 2021 - 10:05 0 Views
‘Vanhu tave  kuvarairwa’ Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti zvichitevera kusatevedzwa kuri kuitwa mitemo yekurwisa chirwere cheCovid-19 neveruzhinji, iri kutora matanho ekusimbaradza ongororo nekuona kuti mitemo iyi yatevedzwa uye kupa dzidziso pamusoro penjodzi yekushaya hanya nekuzvidzivirira kudenda iri.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vazvidzivirire kuCovid-19.

“Nekuda kwekusatevedzerwa kuri kuitwa mitemo yekurwisa Covid-19 neveruzhinji, boka rinoona nezvekuchengetedzwa kwemutemo (Law and Order Sub-Committee) richasimbaradza nyaya yekuita ongororo nekuona kuti mitemo iyi yatevedzwa uye kupa dzidziso munharaunda pamusoro penjodzi yekusatevedzera matanho ekuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Hurumende, vanodaro, inoshushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita motokari nemabhazi ari kutakura vanhu zvisiri pamutemo.

Pasi pemitemo yekurwisa Covid-19, mabhazi nemakombi akanyoreswa pasi pekambani yeZUPCO ndiwo chete ane mvumo yekutakura veruzhinji.

“Cabinet inoshushikana nekuwanda kuri kuita mota dziri kutakura vanhu zvisiri pamutemo, dzisiri pasi peZUPCO. Nyaya yekusaita chitsokotsoko nemamwe matanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19 hazvisi kutevedzwa zvachose nevanhu vanenge vakwira motokari idzi,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Nechinagwa chekugadzirisa mamiriro ezvinhu aya, Vehicle Inspectorate Department (VID), Zimbabwe Republic Police (ZRP) neTraffic Safety Council (ZTSC) vari kusimbaradza ongororo nekuona kuti mutemo watevedzwa.”

Senator Mutsvangwa vanoti mabhawa nemanight club haasati anzi achivhurwa kunyangwe zvazvo kuine vamwe vari kuvhura zvechitsotsi.

“Nyika inoyeuchidzwa kuti mabhawa ose nemanight club hazvisati zvave kutenderwa kuvhurwa. Mabottle store anofanirwa kuvhurwa chete kune vanotenga vachibva vaenda, sezvinodiwa pasi pemutemo. Marestaurants anotarisirwa kuve nemakasitoma anosvika chikamu che50 percent avo vanenge vakagara muzvivakwa izvi uye nevanoda kutenga vachibva vaenda. Cabinet yakabvumidza kuti nguva yekushanda yemarestaurants iwedzerwe kusvika 2100 hours,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 38 327 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 35 7751 vakatopona asi vamwe 1 574 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 452 191 vange vabaiwa majekiseni ekudzivira chirwere cheCovid-19 ekutanga (1st dose) apo 107 586 vange vabaiwa epiri (2nd dose).

Share This:

Sponsored Links