Vanhu vari mubhazi tsiurai vatyairi: PAZ

31 Mar, 2024 - 14:03 0 Views
Vanhu vari mubhazi tsiurai vatyairi: PAZ VaTafadzwa Goliat

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rePassengers Association of Zimbabwe (PAZ) rinokurudzira vemachechi neveruzhinji vari munzendo pazoro rino rePaseka kuti vafambe kwakachena uye kuti vasaita chijairira chekufamba husiku kuitira kudzivirira tsaona dzemumigwagwa idzo dzinowanza kuwanda munguva dzezororo rakadai.

VaTafadzwa Goliati vanova murongi wePAZ vanoti: “Tinoshushikana zvikuru nevanhu vanongohaya mabhazi kana makombi vachitarisa kuti ane mibhadharo yepasi asi asina magwaro anovapa mvumo yekutakura veruzhinji.

“Chechipiri, mumabhazi imomo hamufaniri kunyanya kuwandisa vanhu nekuti kuzadza vanhu kunokonzeresa njodzi mumigwagwa apo matayi anogona kuputika, bhazi rinoremerwa rotadza kufamba zvakanaka uye hazvikodzeri kuti vanhu vaite nzendo dzehusiku nekuti zvakawanda zvinoitika zvinogona kuvhiringa vatyairi.”

Vanoti vanofara kuti nyika ino ine vanamati vakasiyana avo vakazvipira kunonamata panguva yezororo rePaseka.

“Tinoyambira zvekare vafambi kuti vazive kodzero dzavo mukusabvuma kuti kondakita kana mutyairi afambe nemi nenzira dzaanoda. Kana mukaona motokari ichinyanya kumhanya kana ichiresva kufambiswa, ndapota mutyairi muudzei uye kana achinge aramba kuteerera zivisai mapurisa ari pedyo nekuti upenyu ndehwenyu. Hazvibatsiri kuti vanhu vazongotaura pamaterevhizheni vatyoka-tyoka vachiti mutyairi aimhanya kana ivo vasina kutorawo matanho ekumutsiura nekuzivisa mapurisa,” vanodaro.

Vanoyambirawo zvekare vatyairi kuti vasiyane nekatsika kekutyaira vakadhakwa sezvo zviine njodzi kwavari pamwe neveruzhinji vavanenge vakatakura.

Share This:

Sponsored Links