Vanhu vashanu vafa

08 Jun, 2021 - 18:06 0 Views
Vanhu vashanu vafa Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMuvhuro svondo rino izvo zvabva zvaita kuti huwandu hwevashaya nedenda iri kubvira parakanyuka muno gore rapera husvike pa1 611.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi uyu, vanhu 39 238 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 36 746 vakatopona.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 688 696 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo 385 275 vange vabaiwa epiri (2nd dose).

Vanhu vanosvika 27, kusanganisira vana, nevashandi vepamusha unochengetwa nherera weMary Ward Children’s Home uri kuKwekwe vakawanikwa vaine Covid-19 nemusi uyu.

Izvi zvinotevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa neCovid-19 kuKwekwe.

Mukuru anoona nezveutano kuMidlands, Dr Reginald Mhene vanoti vose vakabatwa nechirwere ichi pamusha unochengetwa nherera uyu vari kuchengetedzwa kwavo voga.

“Musha unochengetwa nherera uyu une vana 66 uye pakavhenekwa vanhu vepamusha uyu, 27 vavo vanosanganisira vana nevashandi vakawanikwa vaine chirwere ichi. Pane matanho ari kutorwa ekuti anenge arwara anoendeswa kuchipatara,” vanodaro Dr Mhene.

Kwekwe svondo rapera pamberi yakaiswa pasi pechirongwa che”lockdown” zvichitevera kunyuka kwechirwere chitsva chemhando yeCovid-19 chinozivikanwa nekunzi Indian variant icho chakatangira kunyika yeIndia.

Share This:

Sponsored Links