Uncategorized

‘Vanhukadzi koshesaiwo mitambo’

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
‘Vanhukadzi koshesaiwo mitambo’ Cde Munzverengwi

Kwayedza

Daphne Machiri
VANHUKADZI vari kukurudzirwa kuti vapinde mumitambo yakasiyana sezvo kunze kwekusimbisa miviri, izvi zvichivaita kuti vawane chouviri.

Mashoko aya akataurwa negurukota reHurumende rinomiririra dunhu reMashonaland East, Cde Apolonia Munzverengwi, nguva pfupi yadarika apo vaiva muenzi anoremekedzwa pamakwikwi eWomen and Girls Sports Festival ayo akaitirwa kwaMutoko.

“Vanhukadzi mukana makapihwa, ngatiwanikwei tichimira-mira tichiita mitambo yakasiyana kunyanya iyo inonzi ndeyevanhurume yakaita semijaho, gorufu, tenisi nemimwe. Ngatiwanikwe tichiendawo pamberi kuti titungamire mitambo iyi kuti zviunze ruremekedzo kwatiri vanhukadzi,” vanodaro.

Cde Munzverengwi vanoendeerera mberi vachiti, “Mitambo inokosha nenzira dzakasiyana, kune rimwe divi inokupa chouviri muupenyu hwako uye ichitibatsira kuchengetedza utano nekusimbisa miviri.”

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Eugenia Chidhakwa avo vanove director mubazi revechidiki, mitambo nezvekutandara vachiti zvakakosha kusimudzira vanhukadzi vane zvipo zvemitambo.

“Ngatikoshesei zvemitambo, hazvina zera uye isu takasunguka kusimudzira nharaunda dzose zvakare, kunyanya vane matarenda akasiyana. Kune vamwe vari kuwana chouviri kuburikidza nezvemitambo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey