Vanhukadzi nekodzero dzemumabasa

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Vanhukadzi nekodzero dzemumabasa

Kwayedza

Danai Chirau
DINGINDIRA remazuva 16 ekurwisa mhirizhonga regore rapera raive pamusoro pekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhukadzi, zvikuru kushungurudzwa kune chekuita nebonde.

Ichokwadi kuti kubva mugwaro rakaburitswa neboka reZimbabwean Industrial Psychologists muna Nyamavhuvhu 2010 rinonzi Matambudziko Anosangana Nevanhukadzi Mumabasa (Challenges Women Face at Work), kushungurudzwa kune chekuita nebonde ndicho chichemo chikuru chevanhukadzi mumabasa.

Zvakakosha kuti nyaya dzerudzi urwu dziongororwe zvakadzama nekuti zvimwe zvacho zvinobva mutsika nemagariro evanhu.

Muenzanziso ndewe huwandu hwevanhukadzi vane zvigaro zvepamusoro kana zvehutungamiri mumakambani kana mapoka akasiyana.

Kunyangwe zvazvo vanhukadzi vaine chikamu chinodarika 50 percent pahuwandu hwevanhu vose munyika, vashoma vavo vane zvigaro zvepamusoro.

Vanhukadzi mumabasa vanogara vachichema-chema kuti vanopihwa mabasa akaita sekunyore maminitsi ezvinenge zvichitaurwa mumisangano kana kubikira tsvutugadzike nhengo dzebhodhi zvisinei nezvigaro zvavanenge vanazvo mumabasa.

Izvi zvinoita kuti vanhukadzi vatarisirwe pasi apo vanhurume vanopihwa basa rinonzi rinoda kufunga kwakanyanya.

Bumbiro remutemo wenyika rinoti vanhukadzi vanofanirwa kuve nekodzero dzakafanana nedzevanhurume.

Kunze kwebumbiro remutemo wenyika, pane mutemo zvakare weLabour Act uyo unoona nezvekudyidzana kunotarisirwa pakati pemushandi nemushandirwi.

Munhu wose ane kodzero yekubatwa zvakanaka pabasa nekupihwa muhoro unoringana nebasa rake.

Pasi pemitemo inoona nezvevashandi nevashandirwi muZimbabwe, zvinotevera zvinofanirwa kuziviswa kana munhu achinge apinzwa basa:

  1. a) zita nekero yemushandirwi
  2. b) nguva munhu yaachange achizoshanda
  3. c) zvinotarisirwa panguva iyo munhu anenge achidzidzira basa (probation), kana zvichikodzera
  4. d) zvinotarisirwa kuti munhu aite kana ari pabasa
  5. e) muhoro wemushandi uye nekuti anenge achizouwana nguva dzakadini
  6. f) zvinokwanisa kubatsirwa nazvo mushandi kana achinge arwara kana kuti ave nepamuviri
  7. g) maawa anenge achizoshandwa
  8. h) nyaya dzebhonasi kana zvimwe zvinoita kuti mushandi anzwe manyukunyuku ekuita basa rake
  9. i) nyaya dzekumboenda pazororo nemubhadharo wacho
  10. j) zvimwe zvinokwanisa kuwaniswa mushandi mukondirakiti yake.

Vanhukadzi vanofanira kuziva kuti nyaya dzekubatwa zvakanaka pabasa dzinosanganisira kodzero dzekuve nezvimbuzi zvakatsvinda.

Vashandi vose vane kodzero dzekuwana nguva yekuti vambodya kunyangwe vachishanda usiku.

Kana mushandi (casual worker) achinge asina kupihwa kondirakiti, mutemo unoti anenge ashanda kwemavhiki matanhatu kwemwedzi mina yakatevedzana anetenge ave mushandi azere.

Nekudaro izvi zvinoreva kuti mushandi anochengetedzwa nemutemo unoona nezvevashandi nevashandirwi.

Vanhurume nevanhukadzi vanoita basa rakafanana vanofanira kuwana muhoro wakafanawo.

Musiyano chete pakati pemuhoro unofanira kuve panyaya yekuziva basa nechigaro kwete kuti munhukadzi here kana kuti munhurume.

Zvakakosha kuti vanhukadzi vave neruzivo rwakakwana maringe nekodzero dzavo sevashandi.Muchinyorwa chedu chesvondo rinouya, tichaongorora zvinotarisirwa nemutemo maringe nenyaya yekumbomiswa kana kudzingwa basa.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti +263782 900 900/

+263776 673 873 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutifonera pamalandline(s) edu anoti +263242 708491/ +2630242 706676.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey