Vanhukadzi nekurima muZim

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Vanhukadzi nekurima muZim

Kwayedza

Danai Chirawu

NOMUSI wa15 Gumiguru 2018, pasi rose rakabatana mukupemberera zuva revanhukadzi vanogara kumaruwa, reInternational Day of the Rural Woman.

Zuva iri rakapembererwa pasi pedingindira rinoti, “Kuvepo kwezvivakwa, zvekushandisa kuchengetedzwa kwekodzero dzakaenzana nekupihwa masimba kumadzimai ekumaruwa nevanasikana.”

Zvakakosha kuti, pakati pemamwe mazuva makuru anocherechedzwa mabasa evanhukadzi, vanhukadzi vekumaruwa vapihwe chiremerera chavo.

Kazhinji vanhukadzi vane basa guru mukuwaniswa kwezvekudya, mubudiriro yenyika uye nezvimwe zvakanyanya kukosha zvekushanda kwavanoita munyaya dzekurima munyika.

Vanhukadzi vanopa chikamu che70 percent chevanhu vemumhuri vanoshanda kunharaunda dzakasiyana kumaruwa apo vanenge vasingawaniswe muripo.

Nerimwe divi, vanhukadzi ndivo vakawanda zvakare pavarimi vekumapurazi eA1 ayo akagoverwa veruzhinji pasi pechirongwa chekugariswa kwevanhu patsva neHurumende.

Makore adarika, mutemo waiti vanhukadzi vanokwanisa chete kuva vene veminda kuburikidza nevarume vavo, hanzvadzi kana kuti mumwe munhu wechirume wemumhuri yavo.

Chikamu chemutemo webumbiro renyika cheSection 17 chinojekesa pamusoro pekubviswa kwemitemo yose ine chekuita nechivanhu iyo inokanganisa kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.

Zvakadai, vanhukadzi vanotenderwa kunyorera kuti vave vene vemapurazi eA1 vakazvimirira uye kuita zvavanoda nepurazi racho asi pasina kodzero yekuzoritengesa.

Zvisinei nekuti mutemo unoti vanhukadzi vane kodzero yekuve vene vemunda kana purazi, mamiriro ezvinhu chaiwo ndeekuti izvi hazvisati zvave kugamuchirwa zvizere mumagariro evanhu.

Vatungamiriri vematunhu semasabhuku nemadzishe ndivo vachiri kuona pamusoro penyaya dzekupihwa kwevanhu minda uye vamwe vacho vasingatevedzere zvinodiwa nemutemo zvekuti vanhukadzi vawaniswewo kodzero dzekuve neminda.

Mutemo weStatutory instrument 53 of 2014 unotaura pamusoro pekodzero yemunhu ari muwanano kuti ave mwene wemunda kana purazi rinenge rakawanikwa pasi pechirongwa chekugarisa kwevanhu patsva.

Avo vari muwanano iri pasi pemuchato weMarriage Act (Chapter 5:11) vose vane kodzero yekuve vene wemunda kana purazi.

Mutemo uyu unowanisa kodzero dzimwe chete zvakare kune avo vanenge vari muwanano ine chipari uye unotsetsenura zvinoitwa kana mumwe achinge afa kana kuti vanhu varambana vaine purazi reA1.

Vanhukadzi vekumaruwa vanoda kutsigirwa zvakasimba kuti vakwanise kutora kurima sebhizinesi uye kuti vapunduke.

Zvakakosha kusatarisa vanhukadzi vekumaruwa sevanhu vanongozivikanwa nekurima panzvimbo diki-diki uye vachishandiswa pasina muripo.

Vanofanira kuwaniswa dzidzo yakadzama pamusoro pezvakasiyana sekushandisa zviwanikwa zviri munharaunda dzavo kuti zvivabatsire mubudiriro, kuwana ruzivo rwekusanduka kwemamiriro ekunze uye kuti vapinde muzvigaro zvehutungamiri.

Vanhukadzi vekumaruwa ndivo hwaro hwebudiriro yenharaunda dzavo, vanopa ruzivo, vanoziva zvinodyiwa nemhuri uye ndivo vanoshanda muminda nekudaro zvakakosha kuti zvose izvi zvivawanise pundutso inosimudzira upenyu hwavo.

Izvi zvinokwanisa kuzadzikiswa kana pakave nemushandirapamwe wemapoka akasiyana mukusimudzira vanhukadzi munyaya dzekurima muZimbabwe.

l Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata paWhatsApp inoti 0777 828 201 tinokupindurai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey