‘Vanhukadzi vanoda kusimudzirwa’

19 Sep, 2021 - 07:09 0 Views
‘Vanhukadzi vanoda kusimudzirwa’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reActionAid Zimbabwe (AAZ), rakabatana neIssues-Pane Nyaya, vari kuita mabasa makukutu ekutsigira Hurumende mukuona kuti veruzhinji vawana mabasa akati tsvetere, zvikuru sei mukusimudzira vanhukadzi senzira yekuti pave nekuenzaniswa kwemikana pakati pavo nevanhurume panguva ino nyika yakatarisana nekurwisana nechirwere cheCovid-19.
Izvi zvakabuda pamusangano wavakaita pamasai-sai munguva pfupi yadarika mushure meongororo yakaitwa zvikaonekwa kuti vanhukadzi vazhinji vane mamwe mabasa avari kuita vasiri kubhadharwa zvakaringana, zvikuru avo vanoshanda munyaya dzezveutano uye dzidzo.
Chirongwa ichi, icho chaive nedingindira rinoti “Mabasa Akati Tsverere Bazi Redzidzo Neutano” chakapindwa nenhego dzinoona nezvekudzikwa kwemitemo, vaongorori nevashandi.
Musangano uyu waiva nechinangwa chekunzvera chimiro chemabasa evashandi vari munyaya dzezveutano nedzidzo, zvikuru sei munguva ino apo nyika iri kushungurudza nedenda reCovid-19.
Mai Rumbudzayi Makoni vanova Women’s Rights and Economic Justice Programmes Manager kuActionAid Zimbabwe vanoti kuti pave nebudiriro munyaya dzezveupfumi, panofanira kuva nekuenzaniswa kwemikana panhau dzemabasa pakati pevanhurume nevanhukadzi.
“Madzimai mazhinji vari mumabasa ane chekuita nenyaya dzezveutano uye dzidzo anova mabasa asina mihoro yepamusoro. Kunyuka kwechirwere cheCovid-19, kwakatowedzera mamwe matambudziko mazhinji kuzvikamu zvemabasa zviviri izvi kana takatarisa mashandiro avo. Varairidzi nevadzidzi vanotosungirwa kuenda kuzvikoro, zvimwe chetezvo nevarapi vachifanirwa kuenda kuzvipatara kunobatsira varwere. Chirwere cheCovid-19 chiri kuporonga zvikuru mabasa evashandi vepamberi nekuti vamwe vakatoshaya mushure mekutapurirwa denda iri,” vanodaro Mai Makoni.
Vanoti munguva yekuomerwa yakadai, Hurumende nevamwe vatsigiri vanofanira kutsigira zvakasimba vashandi vepamberi kuitira kuti upenyu hwavo huendeke.
“Tinokurudzira Hurumende kuti itsigire homwe ine chekuita nekushanda kwakanaka (Decent Work Country Programmes) kuburikidza nebhajeti yenyika,” vanodaro.
Mai Rejoice Nharaunda-Makawa vanova nyanzvi inoona nezvekupepeta nhau pamwe nekusimudzira kodzero dzemadzimai vari zvekare muridzi wechirongwa cheIssues-Pane Nyaya vanoti zvakakosha kuti Hurumende nevamwe vatsigiri vatarise mashandiro evashandi vepamberi sezvo vachibatsira zvikuru mukusimudzirwa hwehupfumi hwenyika.
Sachigaro wekomiti yedare reParamende inoona nezvenyaya dzemadzimai, kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa kwenharaunda – Mai Chido Madiwa – vanoti Hurumende inofanirwa kutsigira vanhukadzi mune zvese zvavanoita muhupenyu.
“Tinokurudzira Hurumende yedu kuti itsigire nyaya dzine chekuita nekuwanikwa kwemafuta ezvifambiso, magetsi nemvura nekuti ndizvo zvinhu zvakakoshesesa muhupenyu zvinobatsira mukurerutsa mitoro yebasa kumadzimai,” vanodaro.
Mashoko avo anotsinhirwa nasachigaro wekomiti yedare reParamande zvakare inoona nezveutano nekurerwa kwevana, Dr Ruth Labode, vachiti zvisinei nekuti madzimai ari kubata mabasa mazhinji munyika, vanoramba vakatarisana nematambudziko gumi nefararira.
Vanoti zvakakoshawo kuti munguva ino yekurwisana nechirwere cheCovid-19 vashandi vepamberi vanosanganisira vezveutano nevadzidzisi vave nezvikwanisiro zvekuzvidzivirira kubva kudenda iri kana vari pabasa.
Ongororo yakaitwa nesangano reUN Women, inoratidza kuti pasi rose chikamu che63 percent chevanhukadzi vane makore ari pakati pe25 ne54 ekuberekwa ndivo vari mumabasa akati tsvetere kana zvichienzaniswa nechikamu che94 percent chevanhurume vemazera mamwe chete, zvinoratidza kuti pachine mukaha mukuru maringe nenyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pemativi maviri aya.

Share This:

Sponsored Links