Vanhukadzi vobatsirwa

20 Nov, 2020 - 15:11 0 Views
Vanhukadzi vobatsirwa Muzvare Nhari

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinotsigira varimi vechidzimai, reWomen in Agriculture Union (WAU), riri kushanda nevanhukadzi vanodarika 4 000 munyika yose avo vari kutsigirwa mumabasa avo kuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo uye kurwisa nyaya dzemhirizhonga panguva ino apo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Muzvare Olga Nhari, vanova muvambi uye sachigaro wesangano iri, vanoti donzvo ravo ndere kusimudzira madzimai echidiki munyaya dzekurima.

“Tinoda kuti madzimai atore kurima sebhizimusi. Tinovadzidzisa kupfuya zvipfuyo nekurima uye kuvandudzwa kwezvirimwa izvozvo, makohwero nemachengetedzerwo azvo. Tinovadzidzisa kuvandudza (value addition) kuti vawane mari zhinji.

“Somuenzaniso, mbambaira dzinogona kugadziriswa jamhu, machipisi nezvimwe. Izvi zvinobatsira kuti mbambaira dzikwanise kudyiwa mangwanani, masikati nemanheru zvichibva mukusiyanisa mabikiro,” vanodaro.

Muzvare Nhari vanoenderera mberi vachiti, “Tine madzimai atakapa nguruve 43 tichitsigirwa neHurumende yedu pasi pechirongwa cheCommand Livestock. Tinochengeta zvekare mbudzi, huku, tsuro, hanga, matoki, hove nezvimwe.”

Vanoti zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19, vari kukurudzira madzimai kuti varime zvirimwa zvidiki zvinotivirira muzuva kuitira kuti nyika isaite nzara.

“Nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chakabata nyika dzose, kutengwa kwechikafu kubva kune dzimwe nyika kunoderera nekuda kwemitemo iri maringe nekufambiswa kwezvinhu kumiganhu yenyika senzira yekudzivirira chirwere ichi. Saka kana tikazvirimira munyika muno, hatizodhurirwa nekutenga kune dzimwe nyika. Tinoda kuti Zimbabwe idzokere apo yaizivikanwa nekurima chikafu chinogutsa nyika tichitengesa chimwe kunze.”

Muzvare Nhari vanoti madzimai haafanire kungomiririra kupinda munyaya dzekurima kana vachinge vaenda pamudyandigere.

“Tinoona madzimai mazhinji vachizoda kutanga kurima mushure mekunge vasiya mabasa vava kushaya zvekuita. Saka isu tinoti nguva ndiyo ino nekuti zvinobatsira kuti vasagara vachingochema kuti mari yavanotambira ishoma sezvo vanenge vasisarasikirwe nemari mukutenga zvinhu zvakadai semiriwo, matomatisi nezvimwe,” vanodaro.

Muzvare Nhari vanoti senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, vane mapoka anofundisa madzimai nevechidki nezvedziviriro yechirwere ichi uye kuvawanisa zvekushandisa semasanitizer, nesipo uye kuti vorega kuungana apo vanoshandisa maWhatsApp mukukusha mashoko ari pamusoro pekurima.

Share This:

Sponsored Links