Vanhukadzi vosimudzirwa

28 Apr, 2021 - 17:04 0 Views
Vanhukadzi vosimudzirwa Senzeni Manyange Mukonda

Kwayedza

Abel Ndooka

VANHUKADZI kubva kumatunhu ose enyika vari kusimudzirwa mumabhindauko anosanganisira kuhodha zvinhu kunze vachitengesa uye nekupfuya huku kuburikidza nechirongwa chiri kutsigirwa nemumwe muzvinhabhizimisi wechidzimai anove chizvarwa chemuZimbabwe uyu pari zvino ari kugara kuUnited Kingdom.

Mudzimai uyu – Mai Senzeni Manyange Mukonda, avo vanonyanya kuzivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Mai Mazowe – vane chirongwa chinonzi SenMuk TV icho vanoshambadza vanhukadzi vachangotanga zvemabhizimisi.

Vanoti zita rekuti Mai Mazowe rakabva pakuti vanohodha Mazowe kuZimbabwe vachitengesa kunyika yeUK.

Mai Mazowe vanoti kutanga kwakaita denda reCovid-19 kwakaona upenyu hwemadzimai mazhinji huchidzoserwa kumashure apo vamwe vakarasikirwa nemabasa nedzimwe nzira dzekuwana nadzo mari.

“Covid-19 yakakanganisa vanhu vazhinji uye mamwe madzimai akarasikirwa nemabasa. Sekuziva kwedu, musha mukadzi, ndiye anotoita kuti imba imire. Zvino kana mudzimai asingaende kubasa asiri kubata mari, pamba vana vanofa nenzara.

“Saka ini ndakauya nezano rekuti ndibatsire madzimai kuti vatange mabindauko, vaite mari. Izvezvi ndine chikwata chemadzimai chandiri kufamba nacho, vamwe ndakavabatsira kuhodha magumbeze ekutengesa. Vamwe vari kuita zvekuhodha nekutengesa matemba, kozoita vari kupfuya huku dzemazai nedzenyama vachitengesa. Madzaimai aya vave kutoita mari,” vanodaro Mai Mazowe.

Vanoenderera mberi vachiti, “Chishuwo changu chikuru kuti madzimai akawanda azvimirire muupenyu hwavo, vave nemabhizimisi akasiyana vagokwanisa kurarama upenyu hwakanaka.”

Kunze kwekusimudzira vanhukadzi, Mai Mazowe vanotsigira zvakare vaimbi vachiri kusimukira kusanganisirawo vemitambo yemadhirama.
“Tine vaimbi vakawanda nenyanzvi dzemitambo yakasiyana nemadhirama vari kunyuka kubva muZimbabwe. Vamwe havasi kuwaniswa mikana yekuratidza matarenda avo, saka ini muchirongwa changu cheSenMuk TV tiri kuvapawo mukana wekusimukira, basa ravo rigoenda mberi.
“Munhu wose ane chipo chake anofanirwa kuwaniswa mukana wekusimukira,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey