Vanhukadzi vounza shanduko

16 Mar, 2023 - 07:03 0 Views
Vanhukadzi vounza shanduko Loveness Mainato

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MADZIMAI, vanasikana pamwe nevarume vari kubatana neruzhinji rwenyika mukucherechedza mwedzi waKurume semwedzi wekukoshesa vanhukadzi, zvikuru munyaya dzekusimudzirwa kwavo.

Zuva reInternational Women’s Day rinocherechedzwa musi wa8 Kurume uye gore rino rine dingindira rinoti, “Kuenzaniswa kwemikana”.

Senzira yekutsigira mabasa makukutu ari kuitwa nemadzimai, bepanhau reKwayedza rinokurukura nemamwe emadzimai ari kuunza shanduko munyika.

Mai Loveness Mainato ndemumwe wemadzimai ari kutsigira nharaunda apo vari kubatsira vana vane husope mumatunhu akasiyana kuti vakwanise kurarama upenyu hwakangofanana nehwevamwe vavo.

“Ndinofara zvikuru kuti basa randiri kuita rakabva mumarwadzo andakasangana nawo mushure mekuzvara vana vane husope, imba yangu ikasvika pakuparara apo murume akatiza akaenda kuBotswana achiti haagamuchiri vana vakadai. Izvi zvakandipa shungu dzekuti ndivambe sangano rinotsigira vana vane husope reAlbino Charity Organization of Zimbabwe (ALCOZ).

“Tinobatsira vana ava kuti vakwanise kuenda kuchikoro, kuvapa mafuta anotanda zuva paganda ravo (sunscreen lotions), kuvabatsira mukuvhenekwa nekurapwa gomarara, kuvatsigira nemaboniboni ekuti vakwanise kuona zvakanaka, nguwani nezvimwe,” vanodaro.

Vanoti vanopanga zvekare vana ava mazano kuti vasambunyikidzwe kana kushungurudzwa mudzimba.

“Vana vane husope vari panyatwa yekumbunyikidzwa nekuti kune vamwe vanhu vanoenda kumaporofita nekun’anga voudzwa kuti vanofanira kushereketa nemunhu ane husope kuti vaite pfuma. Munharaunda dzavanogara, vanosemwa zvekusvika pakushaiswa pekugara chaipo kana zvekudya,” vanodaro Mai Mainato avo vanoti zvakare murairidzi uye muimbi wenziyo dzechitendero.

Mudzimai uyu anozivikanwa saMujibha munyaya dzekuimba.

“Pazuva reInternational Women’s Day ndinoti madzimai woye musarasa mbereko nekufirwa nekuti ini ndiri zvandiri nhasi uno nekuda kwekusemwa. Handina kuda kuzviuraya kana kuuraya vana vacho pandakasiiwa nemurume, asi ndakamira segamba uye ndicharamba ndichirwira kodzero dzevana vane husope,” vanodaro Mai Mainato.

Patience Musa, uyo anozivikanwa nembiri yekusetsa panhepfenyuro saMai Jilimba, anoti anocherechedza mwedzi wemadzimai nemufaro mukuru.

Patience Musa

“Ndinosuwiswa zvikuru nenyaya dzandiri kunzwa dzekupondana, kurwisana mudzimba, kubatwa chibharo nehumwe huipi uhwo hwawanda munyika huchiita kuti raramo yemadzimai ive panyatwa. Ndinochema kumapurisa kuti vaite basa ravo nemazvo mukuchengetedza madzimai nevanasikana.

“Zuva nezuva paSocial Media tiri kunzwa nyaya dzevana vari kubiwa nemabhinya. Saka tiri kupemberera zuva iri tiine misodzi pamatamba asi tichifara zvekare mune dzimwe nyaya dzebudiriro dziri kuitwa nevakadzi vanodya cheziya,” anodaro.

Chipo Mahamba anova mutungamiriri wesangano reVana Vedu Trust anoti mwedzi waKurume wakakoshera vanhukadzi zvikuru.

Chipo Mahamba

“Sesangano reVana Vedu Trust, pfungwa yedu huru iri pachengetedzo yevana. Hatidi mhirizhonga kuvana saka tinoshanda pamwe nemapurisa eZimbabwe Republic Police uye bazi reSocial Welfare mukuona kuti vana vose vakachengetedzeka. Nyaya dzekumbunyikidzwa kwevana dziri kuramba dzichiwanda saka ibasa remunhu wose munyika kuti aone kuti dzadzivirirwa uye dzapedzwa,” anodaro.

Mai Amkela Sidange vanova Education and Publicity Manager kusangano reEnvironmental Management Agency (EMA) vanoti madzimai ngaasimuke aite mabasa akakoshera budiriro yavo neyenyika.

Amkela Sidange

“Madzimai, madzimai inguva yazvino kuti musimuke tiite zvinobatsira nyika nemhuri dzedu uye ngatikoshesei nguva nekuti kushanda nesimba kunobatsira kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvedu zvebudiriro zveVision 2030.

“Tichitarisa dingindira regore rino rinoti Kuenzaniswa Kwemikana, kureva kuti nyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevarume dzakakosha zvikuru mumabasa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>