‘Vanhurume koshesai kuongororwa gomarara’

21 Nov, 2024 - 16:11 0 Views
‘Vanhurume koshesai kuongororwa gomarara’ VaVuli Ndlovu

Muchaneta Chimuka

VANHURUME vokurudzirwa kuti vaongororwe zvirwere zvakasiyana, kusanganisira kuvhenekwa gomarara reduriro (prostate and testicular cancer), nguva nenguva senzira yekuchengetedza utano hwavo.

Kurudziro iyi yakaitwa nachamangwiza weCimas Health Group, VaVuli Ndlovu, pachirongwa chemujaho wekumhanya weCimas iGo Half-marathon chekuunganidza mari yekubatsira vanobatwa negomarara icho chakaitirwa muguta reHarare svondo rapera.

Chirongwa ichi chakapindwa nevanhu vanodarika 1 500.

Muhurukuro, VaVuli Ndlovu vanoti, chirongwa ichi chinofambirana nedonzvo repasi rose rekucherechedza kusimudzirwa kweutano hwevanhurume mumwedzi waMbudzi.

“Tiri kuita izvi takanyanya kutarisana neutano hwevarume nekuti varume vazhinji zvinovatorera nguva kuti vaende kuzvipatara kana vachinge varwara nekuti vanombotanga vachizvishingisa vari kudzimba uye vachizoenda kana vave kugomberwa nemarwadzo. Zvino kana pari panhau yechirwere chegomarara, hachidi kunonokerwa nekuti chinouraya uye kana chikakura chinenge chisisarapike,” vanodaro.

Vachitaurawo pachirongwa ichi, Mai Junior Mavhu vanova general manager wesangano reCancer Association of Zimbabwe vakakurudzira veruzhinji kuti vasandure nzira dzavanorarama nadzo, kubvira pamhando dzechikafu chavanodya uye kukoshesa kuita mitambo inosimbisa muviri senzira yekurwisa zvirwere zvegomarara.

“Zvinhu zvatinodya, zvatinofema nemararamiro atinoita ezuva nezuva ndiwo mamwe anotinenekedza kuzvirwere zvisina zviratidzo kusanganisira gomarara. Tinokurudzira vanhu kuti vadzokere pachinyakare pakudya chikafu chinovaka muviri chakadai sesadza rezviyo, remhunga uye neremafunde, manhanga, michero yesango yakadai setsubvu, nyii, shumha nemiriwo yechivanhu inosanganisira nyevhe, mutsine, mupunga wechibhoyi nezvimwe zvinopa utano,”  vanodaro.

Gore rapera, chirongwa cherudzi urwu chakapindwa nevanhu vanodarika 1 400 pakaunganidzwa mari inosvika  US$13 753 yekutsigira vanhu vane gomarara.

Share This:

Sponsored Links