Vanhurume vopihwa chenjedzo yegomarara reduriro

15 Nov, 2024 - 11:11 0 Views
Vanhurume vopihwa chenjedzo yegomarara reduriro VaVuli Ndlovu

Muchaneta Chimuka

SENZIRA yekukusha mashoko echenjedzo maringe nechirwere chegomarara reduriro (prostate and testicular  cancer), iro rinobata vanhurume, veCimas Health Group vachaita makwikwi emujaho nomusi weMugovera uno muguta reHarare kuchizoti nemusi wa24 Mbudzi kuBulawayo.

“Makwikwi emarathon achatanga kuitwa muHarare nomusi weMugovera uno paZB Sports Club apo vanhu vachamhanya makiromita 21 na5:30am, 10km na6am uye 5km na6:30am. KuBulawayo, achaitirwa paBulawayo Athletic Club uri musi weSvondo,” vanodaro VaVuli Ndlovu vanova chamangwiza weCimas Health Group.

Vanoti vanhu vanoda kupinda mumakwikwi aya vakasununguka kunyorera pamasai-sai eCimas vachibvisa muripo weUS$15 unozoita kuti vange vachiwaniswa t-shirt, string bag nemenduru.

“Chinangwa chemakwikwi aya ndechekusimudzira nyaya dzekuita mitambo inosimbisa muviri izvo zvinobatsira mukudzinga zvirwere. Chirwere chegomarara chakaipisisa zvikuru nekuti chinotora upenyu hwevazhinji pasi rose nokudaro vanhu vanofanira kudzidziswa nzira dzekuchidzivirira. Varume vazhinji vanonyara kubuda pachena kuti vari kutambudzwa negomarara reduriro, zvikuru takatarisa nzvimbo yarinobata apo vanotya kusekwa. Saka pazuva iri, varume nevanakomana vachange vachiwaniswa mukana wekuvhenekwa uye kupangwa mazano nekuudzwa kuti vanowaniswa rubatsiro rwekurapwa kupi. Nyika ine vanhu vane utano hwakanaka inobudirira,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Tichange tichitarisawo nyaya dzeutano dzinobata varume mumwedzi uno waMbudzi unova wevarume. Mari yese yatichaunganidza kuburikidza nemakwikwi aya tichaiendesa kuCancer Association of Zimbabwe sechikamu chedu chekuita mabasa etsitsi kuti isimudzire raramo uye utano hwevanhu vari kutambudzwa nechirwere chegomarara.”

Gore rapera, chirongwa cherudzi urwu cheCimas iGo Half – Marathon chakapindwa nevanhu vakawanda zvikuru pakaunganidzwa mari inosvika US$13 753 iyo yakendeswa kusangano reCancer Association of Zimbabwe.

Ongororo yakaitwa nesangano reCancer Research Institution, inoratidza kuti varume vanosvika 1,3 miriyoni vari kubatwa nechirwere chegomarara pagore uye reduriro riri panhamba yechipiri pakati pedzimwe mhando dzinobata vanhurume.

Share This:

Sponsored Links