Vanodarika 1 300 vabaiwa jekiseni

24 Feb, 2021 - 10:02 0 Views

Kwayedza

Tandayi Motsi

VASHANDI vezveutano nevamwe vari pamberi panyaya dzekurwisa chirwere cheCovid-19 vanosvika 1 314 kusvika nemusi weMuvhuro svondo rino vange vabaiwa majekiseni ekudzivirira kuti vasabatwe nedenda iri munyika yose.

Magwaro epazuva anobva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi uyu, vanhu 35 862 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.
Pavarwere ava, 32 216 vakatopona asi vamwe 1 441 vakafa.

“Vashandi vanosvika 1 314 vari pamberi panyaya dzekurwisa chirwere ichi vakatobaiwa majekiseni,” rinodaro bazi iri.

Chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira coronavirus chakatanga svondo rapera uye ndokuzopararira kumadistricts emunyika ose ari 62 apo vashandi vari pamberi pakurwisa Covid-19 nevamwe vari panjodzi huru yekubatira chirwere ichi vari kutanga kubaiwa.

Hurumende ine chinangwa chekubaya majekiseni vanhu vanosvika 10 miriyoni nedonzvo rekurwisa kupararira kweCovid-19 munyika.
Zimbabwe ine hurongwa hwekuwana majekiseni emushonga uyu kubva kunyika dzinosanganisira China, Russia, India neUnited Kingdom.
Kunze kwevashandi vezveutano nevamwe vari pamberi panyaya dzekudzivirira kupararira kwedenda iri, vamwe vari kutanga kubaiwa majekiseni aya vanhu vakwegura nevane zvirwere zvinoisa upenyu hwavo panjodzi.

Munyori mukuru mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Jasper Chimedza, vanoti kubaiwa kwemajekiseni aya munyika yose kwakatanga pachishandiswa 200 000 yemushonga weSinopharm ayo Zimbabwe yakapihwa nenyika yeChina.

Madistricts ose anotarisirwa kunge apedza kubaya majekiseni vashandi vari pamberi pakurwisa kupararira kweCovid-19 mukati memazuva gumi.
“Takatanga chirongwa chekubaiwa kwemajekiseni mumadistricts ose uye tinotarisirsa kudzivirira vashandi vedu vari pamberi sechinhu chekutanga. Kubaiwa kwemajekiseni kuri kuitwa kune vanoda,” vanodaro Dr Chimedza.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Vice President Constantino Chiwenga ndivo vakatanga kubaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19 pakaparurwa chirongwa ichi muguta reHarare svondo rapera.

Zimbabwe iri kutarisira kuwana mamwe majekiseni emushonga uyu 600 000 ayakatenga kuChina.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>