Uncategorized

Vanodarika 14 000 vafa

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Vanodarika 14 000 vafa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reWorld Health Organisation (WHO) rinoti kusvika musi weMuvhuro svondo rino, vanhu vanodarika 14 000 vange vafa pasi rose nekuda kwechirwere checoronavirus uye vamwe vanopfuura 340 000 vabatwa nacho.

Kusvika pari zvino Zimbabwe ine vanhu vatatu vaonekwa vaine Covid-19 uye mumwe chete wavo akatofa.

Ongororo yakaitwa neWHO inoratidza kuti vanhu 340 000 vakaonekwa vaine utachiona hweCovid-19 pasi rose uye vanodarika 14 000 vakarasikirwa neupenyu.

MuZimbabwe, bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kuramba richizivisa veruzhinji kuti vangwarire chirwere ichi.

Bazi iri rinoti zvakakosha kuti vanhu vachengetedze utano kuburikidza nekugeza maoko nesipo uye nemvura inomhanya, kuvhara muromo pakukosora nekuhotsira nekuregedza kubata vanhu vanenge vachirwara.

Share This:

Sponsored Links