Vanodarika 161k vabaiwa Booster

16 Mar, 2022 - 00:03 0 Views
Vanodarika 161k vabaiwa Booster

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vanodarika 161 000 vabaiwa nhomba yechitatu (booster) yekudzivirira chirwere cheCovid-19 kusvika pari zvino apo 3,4 miriyoni vabaiwa jekiseni rechipiri.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 161 408 vange vabaiwa jekiseni rechitatu (booster).

Vanhu vaviri vakafa nedenda iri nemusi uyu.

“Vanhu 2 769 vabaiwa nhomba yekutanga (first dose) nhasi (Muvhuro) izvo zvaita kuti huwandu hwevabaiwa majekiseni ekutanga husvike pa4 397 105, vamwe 2 323 vabaiwa echipiri (second dose) uye huwandu hwevabaiwa nhomba iyi hwakwira kusvika pa3 428 435.

“Zvichakadai, 1 780 vabaiwawo nhomba yechitatu zvikabva zvaita kuti huwandu hwevabaiwa majekiseni aya husvike pa161 408,” rinodaro bazi iri.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 242 909 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kubvira pakatanga denda iri munaKurume 2020 muZimbabwe.

Pavarwere ava, 232 425 vakatopona asi vamwe 5 416 vakafa.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya chikamu che60 percent kana kuti vanhu 10 miriyoni pavanhu vose vari munyika kuitira kuti pange paine kudzivirirwa kubva kuchirwere ichi.

Hurumende nguva pfupi yadarika yakanyevenutsa matanho ekurwisa Covid-19 asi veruzhinji vari kukurudzirwa kuti varambe vachitevedzera nzira dzakatarwa dzekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri svondo rapera, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti mitemo yose ine chekuita nekumisa kupararira kweCovid-19 inofanirwa kutevedzwa zvizere.

“Cabinet inoda kuzivisa kuti apo nyika iri kuramba ichinyevenutsa matanho ekurwisa Covid-19, nzira dzose dzekudzivirira kupararira kwedenda iri dzinofanirwa kutevedzwa. Pamusoro pezvo, vemabhizimisi, nharaunda dzakasiyana nevanhu vakazvimirira vose vanokurudzirwa kutevedzera mitemo yekudzivirira Covid-19,” vanodaro.

Mitemo iyi inosanganisira kupfeka mask nenzira kwayo kana munhu ari panzvimbo inosangana veruzhinji, kushambidza maoko nguva nenguva kuburikidza nekugeza nemvura nesipo kana kushandisa sanitizer uye kusaita chitsokotsoko.

Share This:

Sponsored Links