Vanodarika 200k vabaiwa booster

24 Mar, 2022 - 22:03 0 Views
Vanodarika 200k vabaiwa booster

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vanodarika 200 000 vabaiwa nhomba yechitatu (booster) yekudzivirira chirwere cheCovid-19 kusvika pari zvino apo vamwe 3,4 miriyoni vabaiwa zvizere panguva iyo Zimbabwe iri kusimbaradza zvirongwa zvekurwisa denda iri.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi weChitatu chino, vanhu 200 088 vange vabaiwa nhomba yechitatu apo 4,5 miriyoni vabaiwa yekutanga (first dose).

“Vanhu 85 775 vabaiwa nhomba yekutanga nhasi (Chitatu) zvabva zvaita kuti huwandu hwevabaiwa majekiseni ekutanga huende pa4 585 820 apo 5 062 vabaiwa echipiri (second dose) zvikaitawo kuti huwandu hwevabaiwa zvizere husvike pa3 452 864.

“Vanhu 10 169 vabaiwa nhomba yechitatu izvo zvaita kuti huwandu hwevabaiwa kechitatu huende pa200 088,” rinodaro bazi iri.

Nerimwe divi, vanhu 236 vakabatwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa musi uyu uye hapana akafa nedenda iri.

Kusvika pari zvino, vanhu 245 194 vawanikwa vaine Covid-19 kubvira pakatanga chirwere ichi munaKurume 2020 muZimbabwe.

Pavarwere ava, 235 505 vakatopona asi vamwe 5 432 vakafa.

Hurumende nemusi weMuvhuro svondo rino yakatanga chirongwa chikuru chekubaya nhomba vana vane makore 12 okuberekwa zvichikwira icho chine chinangwa chekuti chikamu che70 percent chevanhu vose vari muZimbabwe vange vabaiwa majekiseni panopera mwedzi waChikunguru gore rino izvo zvinoenderana nezvinodiwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO).

Zimbabwe ine mushonga wenhomba unokwanirana wekubaya vanhu pasi pechirongwa ichi uye yakatambira majekiseni 22 405 000 eCovid-19, ikashandisa 8 034 932 kusvika pari zvino.

Hurumende iri kukurudzira veruzhinji kuti vasatore nyaya yeCovid-19 seyedambe uye kuti vatevedzere mitemo yeWorld Health Organisation neyenyika yekudzivirira kupararira kwedenda iri nguva dzose.

Mitemo iyi inosanganisira kupfeka mamasiki nenzira kwayo nguva dzose, kushambidza maoko nemvura nesipo kana kushandisa sanitizer uye nekusaita chitsokotsoko.

Share This:

Sponsored Links