Vanodarika 330k vabaiwa booster

01 Apr, 2022 - 00:04 0 Views
Vanodarika 330k vabaiwa booster

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vanodarika 330 000 vabaiwa nhomba yechitatu (booster) yekudzivirira chirwere cheCovid-19 kusvika pari zvino.

Vamwe vanhu 3,5 miriyoni vabaiwa zvizere – ose rekutanga nerechipiri.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 336 386 vange vabaiwa nhomba yechitatu apo 5,1 miriyoni vabaiwa yekutanga (first dose) bedzi.

“Vanhu 122 061 vabaiwa nhomba yekutanga nhasi (Chitatu) izvo zvabva zvaita kuti huwandu hwevabaiwa majekiseni ekutanga huende pa5 171 283 apo 11 806 vabaiwa rechipiri (second dose) zvikaitawo kuti huwandu hwevabaiwa zvizere hukwire kusvika pa3 519 000.

“Vanhu 28 773 vabaiwa nhomba yechitatu nhasi (Chitatu) izvo zvaita kuti huwandu hwevabaiwa kechitatu huende pa336 386,” rinodaro bazi iri.

Nerimwe divi, vanhu 140 vakabatwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa musi uyu uye mumwe chete wavo ndokufa.

Kusvika pari zvino, vanhu 246 182 vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe kubvira pakatanga chirwere ichi muno munaKurume 2020.

Pavarwere ava, 238 030 vakatopona asi vamwe 5 440 vakafa.

Hurumende nguva pfupi yadarika yakatanga chirongwa chikuru chekubaya nhomba vana vane makore 12 okuberekwa zvichikwira icho chine chinangwa chekuti chikamu che70 percent chevanhu vose vari muZimbabwe vange vabaiwa majekiseni panopera mwedzi waChikunguru gore rino izvo zvinoenderana nezvinodiwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO).

Hurumende iri kukurudzira veruzhinji kuti vasatore nyaya yeCovid-19 seyedambe uye kuti vatevedzere mitemo yeWorld Health Organisation neyenyika yekudzivirira kupararira kwedenda iri nguva dzose.

Mitemo iyi inosanganisira kupfeka mamasiki nenzira kwayo, kushambidza maoko nemvura nesipo kana kushandisa sanitizer uye kusaita chitsokotsoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey