Vanodarika 500 000 vabaiwa ‘booster’

26 Apr, 2022 - 16:04 0 Views
Vanodarika 500 000 vabaiwa ‘booster’ Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kwayedza

Tandayi Motsi

VANHU vanodarika 500 000 vabaiwa nhomba yechitatu (booster) kusvika pari zvino apo vamwe 3,6 miriyoni vabaiwa jekiseni rechipiri.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi weMuvhuro uno, vanhu 5,8 miriyoni vange vabaiwa nhomba yekutanga (first dose).

“Vanhu 7 441 vabaiwa nhomba yekutanga nhasi (Muvhuro) zvabva zvaiita kuti huwandu hwevabaiwa majekiseni ekutanga huende pa5 831 785 apo 4 744 vabaiwa nhomba yechipiri (second dose) zvikaita kuti huwandu hwevabaiwa majekiseni echipiri huende pa3 640 013.

“Vanhu 5 352 vabaiwa nhomba yechitatu zvaita kuti huwandu hwevabaiwa majekiseni aya husvike 585 487,” rinodaro bazi iri.

Vanhu 44 vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa pazuva iri uye hapana akafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 247 598 vange vabatwa nedenda iri kubvira pakanyuka chirwere ichi muZimbabwe munaKurume 2020.

Pavarwere ava, 241 460 vakatopona.

Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine denda iri uye nevari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichochi.

Matanho aya anosanganisira kuti vanhu vapfeke mamasiki nenzira kwayo yekuvhara muromo nemhuno kana vari panzvimbo dzinosangana veruzhinji, kushambidza maoko nguva nenguva kuburikidza nekugeza nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer uye nekusaita chitsokotsoko.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya nhomba chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika kana kuti vanhu 10 miriyoni kuti pange paine kudzivirirwa kubva kuchirwere cheCovid-19.

Share This:

Sponsored Links