Vanokohwa pakuru nekukoshesa nyika

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

WAFAMBA wapota, vanodaro vakuru. Asi mukufamba ikoko munhu unopfumisa maziso, nzeve nepfungwa. Unoonawo nokudzidza kuti kune dzimwe nyika vanhu vanorarama sei, uyewo kuti vanokoshesa zvakadii tsika namagariro avo.

Munyori kusanganisira navamwe vatapi venhau 19, vakabva kunyika gumi nepfumbamwe dzepasi rese vakaita rombo rakanaka mazuva achangopfuura kushanyira nyika yeSouth Korea, mudunhu reAsia.

Vazhinji tinoziva kuti South Korea yakaita mukurumbira pakaitwa mitambo yemaSummer Olympics muguta guru reSeoul, mugore ra1988. Mugore ra2018 kuSouth Korea kunenge kuchiitwa maWinter Olympics zvakare.

Vanoyemurwa nokuti vanodada nezvavari, uyewo vanochengetedza zviwanikwa zvavo kusanganisira zvavakavaka nokugadzira vega.

Mazera akasiyana-siyana anoziva tsika dzavo zvine udzamu, zvokuti kana newe muenzi unozviyemura.

Vashanyi vanobva kunze kwenyika, kusanganisira zvizvarwa zvemo muSouth Korea rakange riri besanwa vachiona dzimwe nzvimbo dzokushayirwa dzinoyevedza.

Mifananidzo miviri iyi, chidimbu chezvizhinji zvinowanikwa munyika iyi.

Mumufananidzo wokutanga, mutapi wenhau wokuGhana Samuel Tei Adan (ane hembe chena), ari kumirira vamwe kuti vanokwira pamusoro pegomo rinoti kana ukapasvika unoona chitsuwa chese cheJeju Island, nokuyevedza kunoita nzvimbo iyi.

Huwandu hwavanhu vamazera akasiyana-siyana hunotaura hwega kuti vazhinji vanofarira kushanyira nzvimbo iyi, zvinove zvinopa mabasa nokusimudzira nyaya dzoupfumi.

Kunyange nyika yeSouth Korea yakabudirira zvikuru mune zvese, pane dzimwe nzvimbo dzakatarwa kuti dzisarasa chimiro chadzo chechinyakare.

Mumufananidzo wechipiri, takaona musha une dzimba dzakavakwa namatombo chete, nokupfirirwa nouswa. Takatsanangurirwa kuti varidzi vedzimba idzi havachabvumidzwa kudzipwanya vovaka dzimba dzamazuva ano. Kana paine zvavanoda kushandura padzimba dzavo, vanotokumbira mvumo kubva kuhurumende. Kana yabvuma, ndizvozvo; kana ikaramba, ndizvozvowo.

Masango ane miti yakasiyana-siyana haazivani, anochengetedzwa.

Nhai muverengi, ko zvatiinawo makomo, uyewo zvatiinadzowo dzimba dzakapfirirwa nouswa. Tiri kufa nenyota makumbo ari mumvura here, tichitadza kuita mari nezvatiinazvo?

Share This:

Sponsored Links