Uncategorized

‘Vanonditi ndiri bere’

14 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
‘Vanonditi ndiri bere’ Madzimai Patricia Chirume

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI muporofita wechechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku anogara paCold Comfort, kuTynwald, muguta reHarare, anoti ashaiswa rugare nevanhu vaanogara navo avo vanomupumha huroyi vachimufananidza nebere “rinodya vanhu”.

Madzimai Patricia Macheruza Chirume (45) avo vanogara nemurume wavo nemhuri paPlot 17 vanoti havamboziva kuti vakatadzei chinoita kuti vangoshungurudzwa vachinzi ibere.

“Ndaneta, apa ndiri muporofita. Chinondinetsa ndechekuti vanhu vanonditi ndiri muroyi kusvika pakundifananidza nebere rinodya vanhu. Ini nemurume wangu tasvika makore makumi maviri tichigara pano apo tinoshanda,” vanodaro Madzimai Patricia.

Murume wemudzimai uyu ndiVaOnias Chirume (70) avo vanoita basa rekufudza mombe apa.

“Nyaya iyi yakangotangawo nemumwe mudzimai achinditukira huku dzangu dzaisvika kumba kwavo kusvikira vazonditi ndinozviti chechi yangu inouraya vanhu.

“Handizive kuti inyaya here yekuda kusvibisa zita rangu,” vanodaro Madzimai Patricia.

Mudzimai uyu nemhuri yake vanoti vanowanzowana mumba mavo makaiswa tsvina yevanhu izvo vanofungira kuti zvinoitwa nevavengi vavo.

“Ndakawana pachivanze changu pakadirwa weti yainhuhwa kuti kutu ndikatadza kuziva akazviita. Mumba nemuchimbuzi ndikawana makadirwa tsvina yemunhu nhema-nhema ndikashaya wandakabvunza.

“Vana vangu 4 vanogara vachingopomerwa mhosva, dzimwe nguva vachiguma vasvitswa kumapurisa. Zvino ini nemurume wangu tiri vashandi pano, saka hatikwanise kubva pano. Varidzi vepuroti vatinoshandira vanoziva nyaya dzekunetswa kwangu,” vanodaro Madzimai Patricia.

Vanoenderera mberi vachiti, “Fungai kuti vanhu ava vakaenda kumba kwemuridzi wepuroti vakanovabvunza kuti sei vaichengeta ‘bere’ pamusha uno kureva ini. Chokwadi kana makanditarisa ndiri bere here ini?

“Zvinondirwadza zvikuru, chandinokanganisira vanhu ava handichizive.”

Muporofita uyu anoti akambonokorwa tsoka ikanokangwa mupani.

“Vanhu vanotuka huku dzangu sekunge vanotuka vanhu? Tine nyaya dzakawanda dzakagumisira dzasvika kumapurisa ini ndichinangwa huroyi,” vanodaro Madzimai Patricia.

Kwayedza yakaratidzwa magwaro ekumapurisa emhosva yaiva yamhan’arwa nemusi wa6 Kurume gore rino yemwana wemhuri iyi yaiva yaendeswa naMai Melody Katsuwa.

Mai Katsuwa avo vakataurwa navo padande-mutande renhare yavo vanoramba nyaya dzose dzinotaurwa naMadzimai Patricia vachiti vanoita dzekuruka senzira yekuvasvibisa zita ravo.

“Amai ava vari kutonetsa ini pamba pano kwete kuti ini kuvanetsa. Vanotyisidzira vanhu vachiti vanouraya uyewo vanonyepa zvisingaite. Nyaya idzi dzakasvika kudare redzimhosva zvose nekumapurisa ekuWarren Park,” vanodaro Mai Katsuwa.

Vanoti vakamborwiswa nemwana waMadzimai Patricia inova nyaya zvakare yakasvika kumapurisa nekumatare edzimhosva.

Varidzi vepapuroti iyi VaDzikiti vakaridzirwa nhare vakarakidza kushushikana zvikuru nenyaya idzi.

“Vanhu ivava vanogara vachiita mabopoto avo vakaguma vaendesana kudare. Ivavo vauya kwamuri ngavabve zvavo pamba pangu, dzimba dzakawanda muno muHarare. Pamba pangu ndipo pakaita sei? Vakasungirirwa here sembwa pamba pangu? Ngavabve zvavo ndisare nevashandi vangu,” vanodaro VaDzikiti.

VaDzikiti vanoti puroti yavo vari kukamura vachitengesa masitendi uye vakambotaurira vanhu vanogarapo vose kuti vachibva asi havasati vabva.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti kunanga munhu huroyi imhosva huru.

“Imhosva huru kunanga mumwe huroyi pamutemo wenyika ino. Kunyange uchiti wakabatwa nemweya wechiporofita kana kuti wakasvikirwa nemudzimu, unosungwa nemapurisa woendeswa kumatare edzimhosva. Tinokurudzira vanhu kuti vagare murunyararo kwete kungomarana-marana,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaGeorge Kandiyero avo vanova mukuru wesangano reZinatha vachiyambira vanhu kuti vasiyane nekatsika kekunangana huroyi.

Share This:

Sponsored Links