Vanopfuya mombe vochema neCovid

24 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Vanopfuya mombe vochema neCovid Varimi vanopfuya mombe vari kudemba vachiti mitengo yezvipfuyo zvavo yanyanya kuderera panguva ino yechirwere cheCovid-19

Kwayedza

Thupeyo Muleya
VARIMI vechidiki kudunhu reMatabeleland South vanoti basa ravo radzoserwa kumashure zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19 izvo zvaita kuti mitengo yemombe iderere kusvika paR7 000 ($400) pachipfuyo chimwe chete.

Dunhu iri rine mombe dzinosvika 700 000 uye varimi veko vanorarama nekutengesa zvipfuyo.

Varimi vakawanda vane mombe dziri pakati pe50 kusvika 200.

Sachigaro wesangano rinomirira varimi ava reNational Institution of Livestock Farmers, VaSifiso Sibanda vanoti vari kushungurudzikana zvikuru nemamiriro akaita zvinhu maringe nemitengo yemombe.

“Coronavirus (hutachiona hunokonzera Covid-19) yakanganisa zvikuru mapoka akasiyana ehupfumi hwenyika kusanganisira chikamu chezvekupfuiwa kwemombe,” vanodaro.

“Tiri kuona shanduko iri kuitika kumusika wemombe kana takatarisa maitiro ari kuitwa nevatenge. Chokwadi ndechekuti havazi vanhu vakawanda pari zvino vari kunyanya kudya nyama. Musika wacho wakadzikira uye kutengeswa kwenyama sechikafu chinovaka muviri hakuzi kuendeka.”

VaSibanda vanoti varimi vanofanirwa kugamuchira mamiriro ezvinhu uye votsvaga nzira dzekuvandudza mabasa avo.

“Mombe imwe chete iri kutengeswa nemutengo wepakati nepakati uri pasi peR7 000 uye kunyangwe uchida kutengesa, unoshaya anotenga, musika wacho wakadzikira,” vanodaro.

“Tine varimi vakawanda vanenge vachida kutengesa mombe dzavo asi nyaya iri kunetsa ndevanotenga vacho nekudaro dzimwe dzemombe idzi dziri kutengeswa nemitengo yakaderera zvikuru.”

Pane dzimwe nguva, varimi vechidiki ava vari kutengesa mombe dzavo nechinangwa chekuti vawane zvekushandisa kuti basa ravo rienderere mberi sezvo rakakanganiswa nekushaikwa kwemafuro zvichitevera kusanaya kwemvura zvakanaka mwaka wadarika.

Share This:

Sponsored Links