Uncategorized

VANORARA MUMBA, VOFUMA VARI PANZE . . . vachiona zvimhuka zvakaruma moto

14 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
VANORARA MUMBA, VOFUMA VARI PANZE    . . . vachiona zvimhuka zvakaruma moto Gogo Mwewa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHEMBERE inogara mumusha weMbare National, muguta reHarare, inoti yaoneswa nhamo nevaroyi vanopinda mumba mayo husiku avo vainotoona yakasvinura, asi painongokotsira mumba mayo, inozofuma yakarara panze zvose nevazukuru vayo.

Havasi kumboziva kuti vanoburitswa mumba mavo nani uye chirudzii.

Mbuya Mary Lungu Mwewa (72) vepanhamba 1 Vito vanoti vanogara nevana vavo nevazukuru uye murume wavo, Edward Mwewa (97), akavasiya achinogara nemumwe mudzimai kuChitungwiza.

“Takatanga kugara paimba ino mugore ra1978 taiwana kubva kukanzuru nemuchato. Imba iyi ine marooms 4. Murume wangu akazonditiza mugore ra1996 pano ndikasara nevana uye vana vedu vanorasika pfungwa rinova rimwe dambudziko randinetsa,” vanodaro Mbuya Mwewa.

Vanoti dambudziko rekupindirwa mumba nevavanoti varoyi panguva dzehusiku nekuzofuma varere panze rakatanga murume wavo achiripo kusvika nanhasi.

“Matambudziko aya akatanga tichiri tose nemurume. Varoyi vanouya mumba, uye munopinda mhuka dzakasiyana kusanganisira chimwe chinobvira moto pamuromo.

“Taiva nematambudziko edu tichinetsana nemurume wangu kusvikira takaendesana kumatare edzimhosva ndichiti andichengete,” vanodaro.

Mbuya Mwewa vanoti dambudziko iri rakatanga nekurasika njere kwevana vavo vatatu uye mumwewo mwanakomana ndokutsakatika zvekusazomuona kusvika nanhasi.

“Varoyi vanopinda mumba medu vachindirova, vanouya nezvidhoma zvavo zvakaita semhuka neshiri. Dzimwe nguva ndinovaona vachiita sevanofamba pamusoro pemvura imo mumba medu sevari mudhamu kana murwizi.”

Mbuya Mwewa vanoti vakambofumawo vakagerwa musoro panzvimbo yavanoti haichanyatsomera vhudzi kubva pazvaitika.

“Ndatambura, handizive kuti zvinobva kupi, uku baba pamba havachauya. Ndine wepedyo wandinotoona ndakasvinura ari mumba mangu, ndombomuona zvakare musoro wake uchikunguruka pamusoro pemvura.

“Kunze kwekugerwa kwangu musoro, mwanakomana wangu akafumawo akagerwa vhudzi rose uye kwatinofamba tinonzi mabasa evaroyi,” vanodaro Mbuya Mwewa.

Vanoti mamwe manenji anoitika pamba pavo ndeekuti vanofuma vakarara panze asi magonhi emba akakiiwa nemukati.

“Tinofuma takarara panze nevazukuru vangu toshaya kuti tinenge tabuda sei mumba sezvo tichiona madhoo ose akavharwa. Tinotozovhurirwa nevamwe vanenge vasara mumba,” vanodaro.

Mbuya Mwewa vanoenderera mberi: “Isu kumusha kwedu kuZambia tose nemurume wangu. Hatizive kuti matambudziko aya ari kubva kumusha kwedu ikoko here kana kuti varoyi vemuno muHarare.

“Pano pamusha handisisina chekudya nevana sezvo pasina anoshanda. Tine muroja mumwe chete uye isu tinoshandisa dzimba nhatu chete. Vazukuru vanguwo havana mari yechikoro apowo imba yedu ine chikwereti chemagetsi nemvura nezvimwe chinosvika $14 000.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume waMbuya Mwewa kuti inzwewo divi rake panyaya iyi.

Vopa mafungiro avo panyaya iyi, Mbuya Alice Kwenda Masoko (61) vemuHarare vanoti mumhuri iyi munogona kunge muine akabata-bata mishonga yekuromba.

“Mhuri iyi inoda kubatsirwa nenguva nekuti dambudziko iri richaguma rava kuuraya vanhu. Chionai vamwe vari kurwara nepfungwa nemamwe matambudziko,” vanodaro Mbuya Kwenda.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0779 659 968.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey