Vanorarama neHIV, Jekiseni reCovid-19

09 Sep, 2021 - 11:09 0 Views
Vanorarama neHIV, Jekiseni reCovid-19

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti hapana mikana yekukanganiswa kunoitwa vanhu vari kurarama nehutachiona hweHIV avo vari kutora mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs kana vakabaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Vachitaura pachirongwa chakaitwa pamasaisai svondo rapera, icho chaiva pamusoro pevanhu vanorarama nehutachiona hweHIV uye chirwere cheCovid-19 icho chakarongwa nesangano reZimbabwe Association of Church Related Hospitals (ZACHI), VaPaul Chinakidzwa – vanova health promotions manager kubazi iri – vanoti mishonga yeCovid-19 yakaongororwa ikaonekwa yakakodzera chaizvo kushandiswa nevanhu vane HIV.

“Kazhinji kacho mishonga yekudzivirira Covid-19 inenge iine hutachiona hwacho hunokonzera chirwere ichi, asi hunenge hwakaneteswa (SARS-CoV2). Haitarisirwe kutadza kushanda zvakanaka kuvanhu vanenge vaine masoja emuviri akaderera sevanhu vane hutachiona hweHIV nezvimwe zvirwere.
“Hakuna matambudziko ati aonekwa nenyanzvi dzesainzi anoratidza kuti mishonga miviri iyi ingatadza kudyidzana muvanhu vane HIV,” vanodaro.

Vanokurudzira vanhu vanorarama nehutachiona hweHIV kuti varambe vachitora mishonga yavo nemazvo kunyangwe mushure mekubaiwa nhomba dzeCovid-19 kuitira kuti vave neutano hwakanaka.
“Vanhu vanorarama nehutachiona hweHIV vazhinji vavo vanotambudzwa nezvimwe zvirwere izvo zvinokanganisa miviri yavo kuti ive nyore kubatwa nezvirwere. Izvi zvinoita zvekare kuti vave nyore kubatwa nechirwere cheCovid-19 kana vasina kudzivirira,” vanodaro.

Pari zvino Zimbabwe iri kubaya vanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19 anosanganisira Sinopharm, Sinovac, Sputnik V neCovaxine. Vanhu vari kurarama nehutachiona hweHIV ndivo vamwe vari kupihwa mikana yepamberi yekuti vadzivirirwe.

Dr Vimbai Mandizvidza, avo vanova public health specialist kusangano reZAHC, vanoti vanhu vanorarama nehutachiona hweHIV asi vasiri kutora mishonga yavo vane mikana yakakura yekutapurirwa Covid-19.

“Tinotenda zvikuru Hurumende nezvirongwa zve’lockdown’ izvo zvine donzvo rekuderedza nhau dzekufamba-famba kwevanhu nekuti mukusangana kwevanhu ndiko kuwanda pamwe nekupararira kunoita chirwere ichi.

“Pakutangatanga kwelockdown, vanhu vanorarama nehutachiona hweHIV vakaomerwa zvikuru kufamba kuenda kuzvipatara kunotora mishonga yavo sezvo kwaidiwa matsamba ekufambisa nekudaro zvakanga zvakakosha kuti patange paonekwa kuti vawaniswa mishonga yavo nenguva kuti varambe vaine utano hwakanaka,” vanodaro.

Dr Mandizvidza vanoti panoda mushandirapamwe wezvipatara nevanhu vanorarama nehutachiona hweHIV kuitira kuti vange vachiwaniswa mishonga yemwedzi ine chitsama nedonzvo rekuderedza nyaya dzekuramba vachifambira mishonga iyi zvinova zvinovaisa panjodzi yekusangana neveruzhinji zvichipa zvekare mikana yekutapurirwa Covid-19.

“SeZACH phamarcy and laboratory co-ordinator, ticharamba tichishanda nebazi rezveutano nekurerwa kwevana mukuona kuti mishonga yemaARV yawanikwa muzvipatara nemakiriniki mumatunhu ose zvose nemichina yekuvheneka.”

Dr Mandizvidza vanokurudzira veruzhinji kuti varambe vachichengetedza hutsanana uye kupfeka mamasiki nguva dzose.

Share This:

Sponsored Links